Mutungamiri wenyika varobert mugabe nhasi vapinda mumusangano weSADC double troika kuBotswana kuti vazeye nyaya yekunetsana iri kuitika muLesotho.
Bato reZanu PF nemusi weChipiri rakaita chipata pata kupasisa bhiri rezvekusandura mitemo yekutongwa kwematunhu kana kuti, Local Government Laws Amendment Bill, zvisinei nekuti bato rinopikipisa reMDC range richiti mutemo wekupasisa bhiri iri hauna kutevedzerrwa.
Shasha yenhabvu, Lionel Messi anotambira Argentina nechikwata chekuSpain cheBarcelona anoti ave kugura muchato wake nenyika yake mushure mekunge atadza kutora kana mukombe mumwe chete zvawo.
Mubatanidzwa wevechidiki kubva kumapato anopikisa uye vemasangano akazvimirira oga uri kuzvidaidza kuti tajamuka uri kuenderera mberi uchiratidzira munyika kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vabude muhotera yeRainbow Towers yavari kugara kubva muna Zvita 2014.
Mutongi wedare repamusoro Amai Lavender Makoni nemusi weChitatu, Chikumi 29 vari kutarisirwa kutura mutongo wavo panyaya yechimbi chimbi yakaturwa kudare nameya weguta reHarare akambomiswa basa VaBernard Manyenyeni.
Hakuna shanduko huru yakaitika mumamiriro eCastle Lager Premier Soccer League mukupera kwesvondo asi kumhuri yeDynamos kwaramba kuine kuchema apo mumwe mutsigiri wechikwata ichi ashaya zvekare.
Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vazivisa nyika nhasi kuti vari kurwara nechirwere chegomarara.
Mapurisa anodzivirira mhirizhonga anonzi nhasi arova nekusunga vamwe vemasangano evechidiki avo vange vachiratidzira kuti havasi kufara nenyaya yekuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vari kuramba vachigara muRainbow Towers Hotel.
Vaimbova mutevedze wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru avo vave kutungamira bato rinopikisa reZimbabwe People First-ZPF, nemusi weMugovera vakaita musangano muHarare vakapika kuti havasi kuzofa vakadzokera kubato reZanu-PF.
Mutungamiri wehurumende yeBritainVaDavid Cameroon vanoti vave kusiya basa muna Gumiguru zvichitevera kuvhotwa kwakaitwa nemusi weChishanu nevanhu vemuBritain vachiti havachadi kuva mumubatanidzwa weEuropean Union.
Bato guru rinopikisa reMDC-T nemusi weChina rakaratidzira muguta reMutare kuManicaland richiti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ngavachienda pamudyandigire nekuti vakundikana kutonga nyika.
Vanoshanda munyaya dzerunyararo uye hutongo hwejekerere vakurudzira vedare reparamende kuti vaenderere mberi nekunyora zvavakaunganidza pavakanobvunza veruzhinji nezvemutemo weNational Peace and Reconciliation Bill.
Zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo muSouth Africa muguta guru renyika iyi repretoria zvichitevera kuratidzira kunotyisa kwange kuchiitwa nevatsigiri vebato reanc kwasiya vanhu vaviri vashaya vamwe vanodarika makumi mana vasungwa.
Makurukota ehurumende anoti rezvehupumi, rehutano uye revashandi vehurumende vapinda mumusangano muharare nevesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council kuti vazeye nyaya dzekunonoka kwemari yemihoro.
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Dr John Mangudya vanoti Zimbabwe yakwanisa kuwana mari dzinodiwa kuti ibhadhare mari dzemitero dziri kuiswa pachikwereti chayo kana kuti maarrears.
Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Dr Joice Mujuru nhasi vaita musangano wavo mukuru wekutanga semutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe People First paStanley Square muBulawayo.
Masangano evarairidzi anoti reProgressive Teachers Union (PTUZ) nere Rural Teachers Union of Zimbabwe anoti ari kuronga kuramwa mabasa mushure mekunge bazi rezvehupfumi razivisa kuti vamwe vashandi vehurumende havasi kuzotambiriswa mari mwedzi uno.
Mutungamiri webato guru rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakundikana kutonga nekudaro vave kufanira kuchienda pamudyandigere.
Gungano reSanganai/Hlanganani iro rinosangnani vemabhizimisi nevamwe vanhu vanoita mabasa ane chekuita nezvekushanyirana, ratanga nhasi muBulawayo vamwe vevanhu vachiti vari kufara kuti gungano iri radzorwa kuguta iri.
Pastor Evan Mawarire veHis Generation Church avo vakavamba hurongwa hwekuratidzira nemureza hwekuti Hash Tag This Flag (#this flag) nemusi weChina vakatungamira vanhu vakawanda kuenda kuReserve Bank of Zimbabwe kunoita musangano nagavhuna webhanga iri Dr John Mangudya.
Rodhai zvimwe