Vanoshanda munyaya dzerunyararo uye hutongo hwejekerere vakurudzira vedare reparamende kuti vaenderere mberi nekunyora zvavakaunganidza pavakanobvunza veruzhinji nezvemutemo weNational Peace and Reconciliation Bill.
Bhiri remutemo weNational Peace and Reconciliation rakanangana nekuregererana rakambomira kuzeyiwa pachigadziriswa zvainzi zvainge zvisina kumira zvakanaka.
Gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vanovazve gurukota rinoona nezvekuregererana, Amai Tabeth Kanengoni Malinga vakaudza dare reparamende kuti bhiri rainge ramira kuzeyiwa nenyaya yekuti komiti yeparamende inoona nezvemutemo yeParliamentary Legal Committee yainge yati bhiri iri rinotyora bumbiro remutemo.
Pamusangano wakaitwa muHarare nemusi weChitatu nesanganano rakazvimirira rega reNational Transitional Justice Working Group, reCentre for Applied Legal Research kana kuti NTJWG pamwe nenhengo dzeparamende, zvabuda pachena kuti nhengo dzeparamende hadzina kunyora nhoroondo yepfungwa dzevanhu dzavakawana nekuda kwekumbomira kuzeyiwa kwebhiri. VaAlec Muchadehama sachigaro we NTJWG uyewo vari gweta rinorwira kodzero dzavanhu vanoti zvainge zvakakosha kuti pfungwa idzi dzinyorwe pasi.
“Dai macommitte aenda mberi kugadzira mareport nekuti pfugwa dzavakawana dzakabva kuvanhu hadzingaraswi kana kuenda musango. Pfungwa idzi kana dzaunganidzwa kwava kuzotsvaka kuti dzingasvitwe sei kune varikunyora zvakare mutemo uyu.”
Nyanzvi munyaya dzekuregererana VaDzikamai Bere vatiwo vari kunyora mutemo uyu vakasaisa pfungwa dzevanhu pasi zvichaita kuti bhiri iri risatambirwe.
Senator Damien Mumvuri vanova sachigaro we komiti yekuregererana nekuchengetedzwa kwenyika kana kuti Peace and Security vakataurira musangano uyu kuti vachaongorora zvakare pfungwa dzeruzhinji vowona kuti dzingashande sei. Asi vati zvinonetsa nekuti vanhu vakaramba kutambira bhiri racho.
Vange vari mumusangano uyu vabvumawo kuti kubviswa kwemutemo uyu kuchanonotsa chirongwa chekupodzwa kwemaronda nekugarisana zvakanaka uye zvichanetsa kuti Zimbabwe ive nerunyararo.
VaDzikamai Bere vatiwo zvakakosha kuti hurumende igadzirise mutemo uyu nechimbi chimbi sezvo mumakore maviri kunenge kwave nesarudzo. Vati kuruzhinji munyika sarudzo zvinoreva ruufu pamwe nekushungurudzwa.
Mutemo we NPRC unotarisirwa kuyananisa vakatyorerwa kodzero nevaityora kodzero kuti munyika muve nerunyararo.
Kunyangwe zvazvo mukuru wenyika akatogadza makomishina achagara mukomishini iyi hazvizivikanwi kuti mutemo uyu uchazeyiwa zvekare rinhi mudare reparamende.