Accessibility links

Breaking News

VaZvorwadza Vopomerwa Mhosva yeKuda Kupisa Hotera Ina VaMphoko yeRainbow Towers


Zimbabwe Politics
Zimbabwe Politics

Mubatanidzwa wevechidiki kubva kumapato anopikisa uye vemasangano akazvimirira oga uri kuzvidaidza kuti tajamuka uri kuenderera mberi uchiratidzira munyika kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vabude muhotera yeRainbow Towers yavari kugara kubva muna Zvita 2014.

Vakawanda munyika vari kunynyuta kuti VaMphoko vari kudya havo nerivha vanhu vakawanda munyika vachinonga svosve nemuromo.

VaMphoko vanoti vari kugara muhotera iyi nekuti hurumende ine zvikamu zvaiinazvo kana kuti mashares uye vati havasati vawana kwekugara muHarare.

KuBulawayo mapurisa akambochengetedza nemusi weMuvhuro vamwe vechidiki gumi nevaviri vange vachiratidzira nezvehuori uye nyaya yaVaMphoko yekugara muhotera.

Asi mumwe wechidiki anova nhengo yetajamuka uye ari sachigaro weNational Vendors Union of Zimbabwe VaStan Zvorwadza vakasungwa neMugovera vachiratidzira kuRainbow Hotel kuna VaMphoko vabhadhariswa mari yechibatiso insvika madhora mazana maviri.

VaZvorwadza vati vanzi vasaratidzire pedyo neRainbow Towers. Asi vati vachanoratidzira pedyo nehofisi yaVaMugabe. Vatiwo mapurisa ave kuvapomerwa mhosva yekuti vaida kupisa hotera iyi kana VaMphoko vakasabudamo. VaZvorwadza vati aya manyepo.

Hurukuro naVaStan Zvorwadza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG