Hakuna shanduko huru yakaitika mumamiriro eCastle Lager Premier Soccer League mukupera kwesvondo asi kumhuri yeDynamos kwaramba kuine kuchema apo mumwe mutsigiri wechikwata ichi ashaya zvekare.
Kunyangwe hazvo chikwata cheDynamos chiri kushura mare, zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo mumwe mutsigiri wechikwata ichi musikana wechidiki anonzi Patience Murefu uyo ange ari muchipatara cheParirenyatwa. Izvi zvave kureva kuti munjodzi iyi mafa vatsigiri vapfumbamwe veDe Mbare.
Njodzi iyi yakaitika musi wa 11 Chikumi munzira yeHarare-Bulawayo pedyo neBattlefields apo vatsigiri ava vaienda kumutambo weDynamos neChapungu.
Kushaya kwevatsigiri ava kuri kushandiswa neDynamos kuti iite chidakadaka chekukunda mumitambo yacho.
Chikwata ichi ndicho chakanyanyofamba patafura yeCastle Lager Premier Soccer League uye chave pachidanho chechishanu mushure mekunge chave pachidanh chesere apo mitambo yange yambomira kutambwa nekuda kwemitambo yemaWarriors.
Dynamos yakaita izvi mushure mekurova Harare City 2-0 mumutambo wakanakidza zvikuru zvekuti murairidzi wechikwata ichi Lloyd Mutasa arikufara nekutora mapoinzi ake egumi nemaviri kubva mumitambo mitanhatu.
Mutasa anoti akaisa mutemo wakasimba kuvatambi vake wekuti atamba nhasi hazvireve kuti achatamba mangwana kunyange arura sei asi kuti mutambi wese anofanira kuratidza panguva yegadziriro yemutambo unotevera kuti anokodzera kutamba.
Chimwe chikwata chiri kutamba zvinonwisa mvura ndecheHighlanders. Highlanders yave panhongonya yeCastle Premier Soccer League mushure mekunge chikwata chavo charova PC Kariba 1-0.
Chibodzwa chakabva kumutambi wechidiki Adrian Silla chakapa Highlanders mapoinzi ese matatu ndokuenda pamapoinzi makumi maviri nematanhatu, maviri pamusoro peCaps United iyo yakarova Bulawayo City 2-1.
Asi veBulawayo City varikunyunyuta nemabatirwo akaitwa pembe mumutambo uyu mushure mekunge chibodzwa chavo icho chairatidza kuti hachina mibvunzo chakarambirwa mushure mekunge mubati wemureza vaVictor Kambadzo vakati Xolisani Moyo aive akamira ega asati anwisa chibodzwa ichi.
Kunyange pakapera mutambo uyu, vatsigiri veCaps United pachavo vakabuda munhandare vachibvuma kuti raki ravo raive rabva kupi sezvo semaonero avo chibodzwa cheBulawayo City chaive pamutemo.
Zvakamira zvakadai, mapoinzi matatu iwaya asiya Caps United ichiri pachinhanho cheChipiri yakatarisana nemutambo uriko svondo rino apo varikusangana neHwange pamusha zvekare.
ZPC Kariba ndiyo yega yakakoromoka pazvikwata zvina zvaive pamusoro sezvo yawira pasi zvishoma uyezve yave pachinhanho chechina ichidarikwa neFC Platinum iyo yave pachinzvimbo chechipiri yarova Triangle 2-0.
Mimwe mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yakapera seizvi.
Hwange 1-0 Mutare City
Ngezi 1- 0 Border Strikers
Chapungu 2- 2 How Mine
Tsholotsho 0-1 Chicken Inn
Totarisa munyaya dzekumhanya.
Kelvin Pangiso nezuro akatora mukombe wake weTanganda Half Marathon kwemakore maviri akateverana apo akasiya vamhanyi vanosvika mazana mashanu kusanganisa Wirimai Juwayo uyo arikuenda kuma 2016 Olympic Games.
Pangiso uyo arikutarisira kunokwikwidza kumaWorld Championships, akavhomoka ndokupedza mujaho uwu nenguva shoma yanga isingatarisirwe ye awa imwechete, nemaminetsi matanhatu pamwe nesekondi masere.
Pangiso uyo anomhanya ari pasi peZimbabwe Prisons and Correctional Services arikufara nekukunda kwake asi arikunyunyuta kuti nguva yaakatora ndiyo inofanira kutorwa senguva iri pamberi kudarikwa dzimwe dzese kubvira makundano aya atanga
Munyaradzi Jari ndiye akapedza achitevera Pangiso asi aive kumashure zvikuru mushure mekupedza mujaho wemakiromita makumi maviri nerimwechete uyu ne awa imwechete pamwe nemaminetsi menomwe.
Zuva iri ranga ririrevamhanyi veZimbabwe Prisons and Correctional Services mushure mekunge Patience Murove uyo anobva zvekare kuchikwata ichi akatora mukombe wemakundano evanhukadzi.
Murove anoti nzendo yanga yakaoma zvekuti anga asingafungire kuti angangokunda mushure mekunge aive kumashure zvinotyisa.
Murove anoti arikutarisirawo kuti vatungamiri veZimbabwe Prisons and Correctional Services vachafara nezvavaita vovapamhidzirawo nyembe
Mukukunda kwavo, Pangiso naMurove vakapihwa mari inoita iyo mazana mashanu nemakumi mashanu emadhora pamumhu wega wega.
Makundano anotevera ekumhanya enzendo refu ndeeEconet Half Marathon ayo arikuitirwa kuVictoria Falls musi wa 3 Chikunguru.
Zvichakadaro, Mutihwini ane mukurumbira munyika, Kirsty Coventry nemusi weMugovera akasarudzwa kuva mudzimai akashura mare munyaya dzemitambo muAfrica lana kuti Sportswoman of the Year.
Mabiko aya anova ekutanga anonzi African Union Sports Council Region Five Regional Annual Sports akaitirwa muJohannesburg, South Africa.
Nyika dzinopida mumakwikwi aya iAngola, Botswana, Lesotho, Malawi, Mozambique, Namibia, South Africa, Swaziland, Zambia and Zimbabwe.