Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokundikana Kubhadhara Vashandi Avo Voronga Kuramwa Mabasa

VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Masangano evarairidzi anoti reProgressive Teachers Union (PTUZ) nere Rural Teachers Union of Zimbabwe anoti ari kuronga kuramwa mabasa mushure mekunge bazi rezvehupfumi razivisa kuti vamwe vashandi vehurumende havasi kuzotambiriswa mari mwedzi uno.

Munyori mukuru mubazi rezvehupfumi Dr Willard Manungo vakatumira tsamba kuyvashandi vose vehurumende vachizivisa nezvekuchinjwa kwemazuva avo ekutambiriswa mari dzemihoro.

Mutsamba iyi Dr Manungo vakati varairidzi, vari pamudyandigere nevamwe vashandi vehurumende vaizotambiriswa muna Chikunguru.

Varairidzi vachitambiriswa musi wa 7 Chikunguru, vari pamudyandigere vachitambiriswa musi wa 19 Chikunguru. Mauto anonzi achatambiriswa musi wa 27 Chikumi uye maparisa achitambira musi wa 30 Chikumi. Hatina kukwanisa kubata Dr Manungo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Bazi reZimbabwe Revenue Authority kana kuti Zimra riri kukundikana kuwana mari yakawanda kubva kumitero sezvo makambani akawanda apera kuvharwa. Izvi zvapa kuti hurumende ikundikana kuunganidza mari yekubhadhara vashandi.

Mutungamiri wePTUZ Dr Takavafira Zhou vaudza Studio 7 kuti vachakurudzira varairidzi vamire kuenda kunodzidzisa mukupera kwemwedzi kana mari yavo yebhazi yapera.

Rimwe sangano revarairidzi reRural Teachers Union ratiwo musi wa 30 Chikumi vachaenda kumahofi egurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vachikurudzira kuti ngavasiye basa nekuti vakundikana mabasa. Sangano iri rati hurumende iripo yakundikana basa.

Hurukuro naDr Takafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG