Mutungamiri wehurumende yeBritain VaDavid Cameron vanoti vave kusiya basa muna Gumiguru zvichitevera kuvhotwa kwakaitwa nemusi weChishanu nevanhu vemunyika yavo vachiti havachadi kuva nhengo yemubatanidzwa weEuropean Union.
Zvakabuda musarudzo iyi zvakashamisa vatungamiri venyika dzakabudirira dzakawanda uye zvakapa kuti misika yekutengeserana indengendeke
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama vakati hukama hweAmerica neBritain hucharamba hwakasungwa nehutare kunyangwe paita zinyekenyeke nekubuda kweBritain muEU.
Chizvarwa cheZimbabwe chinogara muBritain, VaLloyd Msipa vanoti vari kutsigira danho rekubuda muEU zvichapa mukana vana veZimbabwe nevamwe vatema munyika uyu kuti vashande.
Asi chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri munyika iyi, VaSanderson Makombe vanoti zvekubuda muEU hazvina chazvinobatsira.