Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vazivisa nyika nhasi kuti vari kurwara nechirwere chegomarara.
VaTsvangirai vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti musi wa 8 Kubvumbi vanachiremba vavo vemuZimbabwe vakati vaende kuSouth Africa kunoongororwa navana mazvikokota uko kwakabuda pachena kuti vainge vaine chirwere chegomarara.
VaTsvangirai vati mushure mekuonekwa kuti vane chirwere ichi vakabva vatanga kurapwa zvavanoti zvakabudirira.
Vati kutanga svondo rino vanenge vave kutanga kunwa mapiritsia kana kuti chemotherapy. Vati semutungamiri vaona zvakakosha kuti vazivise ruzhinji rwenyika nezvehurwere hwavo. Vatiwo zvakakosha kuti vatungamiri venyika vataure pachena nezvehurwere hwavo.
VaTsvangirai vati vanoda kutenda mudzimai wavo amai Elizabeth Tsvangirai nemhuri yavo nebato reMDC uye ruzhinji rweZimbabwe nekuvatsigira kuburikidza neminamato.
VaTsvangirai vati vakagadzirira kurwisa chirwere ichi asi vati zvakakosha kuti vanhu varambe vakashinga kugadzirisa matambudziko makukutu akatarisana nenyika.
Mutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka vaudza Studio 7 kuti VaTsvangirai vari kuSouth Africa uye vari kudzoka kupera kwesvondo.