Bato reZanu PF nemusi weChipiri rakaita chipata pata kupasisa bhiri rezvekusandura mitemo yekutongwa kwematunhu kana kuti, Local Government Laws Amendment Bill, zvisinei nekuti bato rinopikipisa reMDC range richiti mutemo wekupasisa bhiri iri hauna kutevedzerrwa.
Asikunyange hazvo nhengo dzeMDC dzatora awa nechidimbu dzichiedza kutsangura izvi, mutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda vati matanho anodiwa ese akatevedzwa.
Idzo inhengo dzeMDC dzichiratidza kusafara nedanho ratorwa nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, rekuti gurukota rezvematunhu VaSavior Kasukuwere vaenderere mberi nebhiri iri zvisinei nezvange zvataurwa nevanokokera nhengo dzeMDC mudare iri, VaInnocent Gonese, kuti matanho ese anodiwa ange asina kutevedzwa zvikuru sei pakazeyiwa dare nekomiti yeParliamentary Legal Committee iyo inongorora kuti mabhiri ese haapokani nemutemo wenyika.
VaGonese vanoti ivo naMuzvare Jessie Majome senhengo dzePLC havana kupihwa mukana wekupa pfungwa dzavo pabhiri iri.
Vanoti dzimwe nhengo dzePLC dzinoti VaFortune Chasi, VaZiyambi Ziyambi naVaJonathan Samkange vese kubva kuZanu PF vakaita musangano vega pasina nhengo dzeMDC.
Asi VaMudenda vati musangano uyu wakaitwa zviri pamutemo uye hapana mutemo unoti nhengo dzese dzePLC dzinofanira kuvepo panoitwa misangano.
Asi VaGonese vati mutongo waVaMudenda waitwa mushure mekunge vanyeberwa nenhengo dzePLC kubva kuZanu PF pamwe nevashandi veparamende uye unotyora bumbiro remutemo.
Muzvare maMajome vatsinhirawo kuti manyepo kuti vakabvumirana nenhengo dzeZanu PF dziri muPLC kuti vati bhiri reLocal Government Laws Amendment harityori bumbiro remutemo.
Asi zvinesinei nezvataurwa nenhengo dzeMDC VaMudenda vati nhaurirano pabhiri iri dzienderere mberi.
Asi Izvi hazvina kushamisa nekuti kunyange hazvo nhaurirano pabhiri iri dzange dzisati dzatanga mutugamiriri wenyika VaRobert Mugabe vange vatokoka nhengo dzeSeneti idzo dziri pazororo kuti dzidzoke kubasa nemusi weChina apo dzinotarisirwa kupasisa bhiri iri.
Vagari vemuHarare vakaita saAmai Locadia Patsika, vanoti havana kufara nezvaitika muparamende.
VaClaris Madhuku vePlatform For Youth Development ndemumwe weavo wevasina kufara nemafambisirwa ari kuitwa kunyorwa kwe bhiri iri.
Vachipapfungwa dzavo pamutongo wapihwa naVaMudenda imwe nhengo yeMDC VaNelson Chamisa vati VaMudenda vazviomesera uye mutongo wavo unogona kupikiswa mumatare edzimhosva.