Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Voshora VaMugabe paMusangano Wavo Mukuru weKutanga kuBulawayo


Amai Joyce Mujuru
Amai Joyce Mujuru

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Dr Joice Mujuru nhasi vaita musangano wavo mukuru wekutanga semutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe People First paStanley Square muBulawayo.

Mutauriri wesangano iri VaKudakwashe Bhasikiti vaudza Studio 7 kuti vanhu vanosvika zviuru gumi vauya pamusangano wavo uyu. Asi vamwe vatori venhau vanotri vanhu ava vange vachipfuura zviuru zviviri zvishoma.

Mujuru rally
Mujuru rally

Vachitaura pamusangano uyu, Amai Mujuru vati mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kukundikana kutonga nyika uye havafanire kuramba vachingoti zvirango ndizvo zviri kukanganisa nyika.

Dr Mujuru vashorawo zvikuru nyaya yehuwori muhurumende uye kutadza kuferefetwa kenyaya dzehuwori nehurumende yaVaMugabe zvikuru mangoda anonzi akabiwa kwaChiyadzwa anosvika mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora.

Amai Mujuru vashowarawo nyaya yaVaMugabe yekuti vamwe vakarwa hondo vave kupandukira hurumende nekutaura nezvemunhu achatora chigaro chavo kana vachinge vasisipo.

Iyi ndiyo imwe nyaya yakadzingirwawo Amai Mujuru mubato reZanu-PF muna Zvita 2014.

Mujuru
Mujuru

Vamwe vange vari pamusangano uyu vanosanganisa VaDzikamai Mavhaire, Amai Margaret Dongo, vakuru muhondo yeChimurenga vakaita saVaBernard Manyadza vaive muZANLA High command naRetired Brigadier General Agrippa Mutambara.

Hurukuro naVaKudakwashe Bhasikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG