Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai avo vakadzoka kuSouth Africa kwavange vachirapwa vanoti vave kunzwa zviri nani
Sangano ravanachirembare Zimbabwe Medical Association kana kuti ZIMA rinoti kutanga musi wa 1 Chikunguru rinenge risisatore makadhi anobva kumamedical aid societies akaita sePremier Service Medical Aid Society.
Vaimbova makurukota ehurumende Retired Brigadier General Felix Muchemwa naDr Samuel Mumbengegwi vakashaya.
Komiti yedare reparamende inoona nezvekutongwa kwematunhu yatanga misangano yakanangana nekunzwa pfungwa dzevanhu pamutemo weLocal Government Laws Amendment Bill munzvimbo dzakasiyana siyana dzenyika.
Bato remMDC-T rinoti rambomisa basa vakafanobata chigaro chameya weHarare VaChris Mbanga basa.
Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kurangarira zuva vanorarama nehusope kana kuti International Albinism Awareness Day.
VOA Studio 7 inorangarira Muhammad Ali kuburikidza nemifananidzo. Muhammad Ali 1942-2016
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nezuro vakataura mashoko akasiya vanhu vakawanda vakatyamadzwa apo vakati vesangano reZimbabwe national Liberation War Veterans Association vave kuda kutanga hondo seyeGukurahundi.
Sangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rino reUnited Nations riri kuita musangano wakakosha wekudzivirira kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS unonzi High Level Meeting on Ending AIDS kuNew York.
Kunyangwe zvazvo ruzhinji rweZimbabwe rwakanganwa nezvehondo yerusununguko, kuvagari vekuMukumbura nyaya yehondo inyaya ichiri kuvashungurudza zvikuru nekuda kwezvimbambaira zvirimunzvimbo yavo.
Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change rinoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kusiya basa richivapomera mhosva yekutadza kutonga nehuori poitwa sarudzo dzinokokerwa neUnited Nations, African Union neSADC.
Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ rinoti rabudirira munyaya yaro yarainge rakwidza kumatare richimirirra zviuru nezviuru zvevarairidzi zvange zvichipikisa danho rehurumende rekuramba kuti vatore zororo pabasa kana kuti leave.
Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors nhasi chadadisa Apo chakunda chikwata cheMalawi mumutambo weAfrica Nations Cup Qualifier watambirwa kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare.
Shasha yetsiva pasi rose Muhhamad Ali akashaya nemusi weChishanu mushure mekurwara kwenguva yakareba.
Kukandirana makobvu nematete pakati pezvikwata zviviri zviri kunetsana muZanu-PF kwave kutsviriridza zvekare.
Bato reMDC-T rinoti rave kuchinja mazuva ekuratidzira kwamutare kuti ripe mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai vange vachirapwa kuSouth Africa mukana wekutungamira kuratidzira uku.
Chikwata cheZimbabwe Warriors nemusi weChipiri chakakunda chikwata chekuUganda 2-0 mumutambo wekuyedzana simba kuNational Sports Stadium.
Mauto enyika eZimbabwe National Army aramba mashoko ekuti ine chekuita nekutsakatika kwemurwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara.
Mutambi weMamelodi Sundowns achitambira chikwata cheZimbabwe Warriors, Khama Billiat akashura mare kuSouth Africa apo akatora mikombe mitatu muAbsa Premier League yekuSouth Africa pamabiko akaitirwa paEmperors Place kuKempton muJohannesburg nemusi weMuvhuro
Rodhai zvimwe