Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti VaMugabe Ngavachiende paMudyandigere Paitwe Sarudzo Itsva

VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai.
VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai.

Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change rinoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kusiya basa richivapomera mhosva yekutadza kutonga nehuori poitwa sarudzo dzinokokerwa neUnited Nations, African Union neSADC.

Mugwaro kuvatori venhau nemusi weChitatu, bato iri kakatiwo riri kufara zvikuru nekubuda pachena kuri kuita vamwe vakuru vemachechechi vachiti nyika yananga kumawere.

Mubatanidzwa wemasangano emachechi weZimbabwe Heads of Christian Denominations uri kukurudzira kuti munyika muve nehutungamiri hutsva hunoendesa mberi zvido zvevana veZimbabwe pamwe nekuremekedza bumbiro remitemo, kwete kukoshesa kuti munhu abuda mumba maani.

Zvichakadaro mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vaudzawo Studio 7 kuti nemusi weChitatu vakaita a musangano weNational Standing Committee yebato ravo vakatenderana kuendesazve mberi hurongwa hwekuratidzira kuManicaland vachiratidza kusafara nehutongo hwaVaMugabe.

VaGutu vati vave kuzoratidzira musi wa 25 Chikumi kuti vape vanhu vakawanda mukana wekuuya sezvo unenge uri musi weMugovera. Bato iri rakamboratidzirawo muHarare nemuBulawayo.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG