Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotenda Kuti Yakaresva Kurambidza Varairidzi Kutora Mazuva eZororo

Dr Takavafira Zhou
Dr Takavafira Zhou

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ rinoti rabudirira munyaya yaro yarainge rakwidza kumatare richimirirra zviuru nezviuru zvevarairidzi zvange zvichipikisa danho rehurumende rekuramba kuti vatore zororo pabasa kana kuti leave.

Muna Ndira, gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu Amai Prisca Mupfumira vakati varairidzi vainge vasisabvumiirwe kutora mazuva ezororo nekuti hurumende yainge isina mari. Hurumende yakabva yadzora kubva kuzororo varairidzi vanosvika zviuru zviviri.

Hurumende yakati kurega varairidzi ava vari pazororo zvaireva kuti yaizorasikirwa nemari inopfuura mamiriyoni maviri nechidimu.

Asi mutongo wedare reLabour Court wakati, “Zvinotevera zviri pamutemo uye zvinofanira kutevedzwa sezvawiriranwa nemapato maviri (hurumende nevarairidzi), varikuchuchiswa vari kukurudzirwa kuti vadzosere mazuva evaifanira kuenda pazororo kubva muna Ndira 2016.” Dare iri rakati hurumende nePTUZ vazvibhadharire mari dzekukwira kudare.

Vakaendeswa kudare vanosanganisa munyori weCivil Service Commission, munyori mubazi rezvedzidzo, gurukota rezvedzidzo, munyori mubazi redzidzo yepamusoro, gurukota rezvehupfumu uye bazi rezvedzidzo.

Mutungamiri wePTUZ Dr Takavafira Zhou vaudza Studio 7 kuti varairidzi vainge vatorerwa mazuva avo vanofanira kunonyora magwaro ekuti vadzoserwe mazuva aya. Vaenderera mberi vakati hurumende inofanira kuremekedza kodzero dzevarairidzi.

XS
SM
MD
LG