Vaimbova sachigaro weZanu-PF mubazi reYouth League muHarare uye vachinzi vaishanda nesangano raishungurudza vanhu zvakanyanya muMbare reChipangano VaJim Kunaka avo vaimbenge vabuda muZanu-PF vachinoshanda neZimbabwe People First inotungairwa naamai Joyce Mujuru vanoti vave kudzokera kuZanu-PF.
VaKunaka vaudza Studio 7 kuti muZanu-PF hamuna hutongo hwejekerere uye vaona havo zvakanaka kuti vadzokere kuZanu-PF. VaKunaka vakambenge vasiya bato reZanu-PF vachiti rinoita zvemhirizhonga uye vachiti vainge vaona chiyedza.
VaKunaka vakambopambwawo nevanhu vaisingazivikanwe vakaitwa kafiramberi.
Mubato reZimbabwe People First munonzi hamuna kuwirana kuti votora gwara ripi.
Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera tabatawo mutauriri weZimbabwe People First VaRugare Gumbo vatenda kuti mubato mavo mapindwa napongwe.
VaGumbo vati VaKunaka vakangoti vaida kuona Amai Mujuru kare asi havana kutaura kuti vainge vosiya bato iri vachidzokera kuZanu-PF.
Vatiwo pane humbowo hunoratidza kuti mubato ravo mune vasori vari kuda kuri paradza. Asi vati vacharamba vakamira semusambangwena.