Chikwata cheZimbabwe Warriors nemusi weChipiri chakakunda chikwata chekuUganda 2-0 mumutambo wekuyedzana simba kuNational Sports Stadium.
Mutambo uyu wangwe uri wekugadzirira matambo wakakosha weAfrica Nations Cup 2017 neMalawi nemusi weSvondo.
Teenage Hadebe ndiye akanwisa zvibodzwa zvese zveZimbabwe muchikamu chekutanga. Hadebe akanwisa zvibodzwa izvi nemusoro mushure mekunge apihwa makeke chaiwo naKuda Mahachi.
Vatambi vazhinji vane mukurumbira vakaita saKnowledge Musona havana kutamba mumutambo uyu. Asi Khama Billiati uyo akatamba kudarika vamwe vatambi vose vemuSouth Africa akapinda matambo uyu wave kuenda kunopera. Mumwe mutambi mutsva Andrew Gwaze anotambira kuPoland akatambawo kekutanga.
P W D L GF GA GD PTS |
Zimbabwe 4 2 2 0 8 3 5 8 |
Guinea 4 1 2 1 4 4 0 5 |
Swaziland 4 1 2 1 5 8 13 5 |
Malawi 4 0 2 2 4 6 -2 2 |