Sangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rino reUnited Nations riri kuita musangano wakakosha wekudzivirira kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS unonzi High Level Meeting on Ending AIDS kuNew York.
Izvi zvinonzi zvinoda kuitwa nechimbi chimbi mukati memakore mashanu anotevera.
Chinangwa ndechekuti mugore ra2020 vanhu vasingapfuure zviuru mazana mashanu vasange vatapurirwa hutachiwana hweHIV uye huwandu humwe husafa nezvirwere zvine chekuita neAIDS.
Chimwe chinangwa ndechekuti vanhu vanorarama neHIV vasabatwe neseri kweruoko varemekedzerwewo kodzero dzavo.
Zimbabwe iri kutungamirirwa negurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa.
Musangano uyu wakatanga neChitatu uchipera nhasi Chishanu.
Mimwe mifananidzo yapihwa VOA Studio 7 negweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDaniel Molokele vanoshanda nesangano reAIDS Accountability International.