Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChina vakataura mashoko akasiya vanhu vakawanda vakatyamadzwa apo vakati vesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vave kuda kutanga hondo seyeGukurahundi.
Hondo iyi yakasiya vanhu vanofungidzirwa kuti vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vafa kuMatabeleland neMidlands kuma 1980.
VaMugabe vakataura mashoko aya muCentral Committee yebato ravo vachiyambira vakarwa hondo kuti maitiro akadai ndiwo akambokonzera hondo yeGukurahundu iyo mauto avo eFifthe Brigade akapomerwa mhosva yekuponda vanhu kubva muna 1983 kusvika muna 1987.
Sangano reCatholic Commission for Justice and Peace nereLegal Resources Foundation anoti vanhu vanodarika zviuru zviviri vakashaya. Hondo iyi yakazopera muna 1987 apo VaMugabe vakanyorerana chibvumirana namushakabvu Joshua Nkomo vaitungamira Zapu.
Mubato reZanu-PF mune kunetsana kukuru pakati pevanonzi vari kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagangwa kuti vapinde panyanga nevamwe vari kuzviti Generation 40 vari kutsigirana naAmai Grace Mugabe uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko.
VaMphoko avo vanga vachikandirana makobvu nematete nevakarwa hondo ava vakayambirawo svondo rapera kuti zvaitwa nevakarwara hondo zvakafanana nekuda kupidigura hurumende nechisimba.
Mutungamiri webato reZapu VaDumiso Dabengwa vashorawo VaMugabe zvikuru vachiti vari kuvhura mavanga ehondo yakasiya vanhu vakawanda varasikirwa nehupenyu nekuremadzwa.
VaMugabe vakaramba kukumbira ruregerero vachingoti yaive nguva yekupenga. VeZanu-PF vanotiwo hondo iyi yakakonzerwa neZapu yainge yapanduka.
Mutauriri webato rinopikisa reMDC-T VaObert Gutu vashora zvikuru mashoko aVaMugabe aya vachiti anotyisa.
Mashoko aya atsinhirwawo nemutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube VaKurauone Chihwai avo vati VaMugabe varasika.
Murwiri wehondo uye vaive muZanla High Command, VaBernard Manyadza vanoti VaMugabe vakanganwa chazuro nehope vachiti varwi vehondo ava ndivo vakavaisa panyanga.
Asi vatiwo mashoko aya anoratidza kuti musangano uyu wapindwa napongwe.
Vaive nhengo yeZipra VaMax Mkandla vashorawo VaMugabe zvikuru nemashoko avo aya.
Munyori mukuru musangano revakarwa hondo VaVictor Matemadanda vati vachazopindura mumazuva anotevera. Asi mutauririi wesangano revakarwa hondo iri VaDouglas Mahiya vakamboti havana hurongwa hwekubvisa VaMugabe pachigaro.
Asi sachigaro wezanu-PF Youth League kuManicaland VaMubuso Chinguno vanoti VaMugabe vakabaya dede nemukanwa.
VaChinguno vakurudzirawo kuti bato ravo ribve radzinga hutungamiri hwesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association sezvo vave kurasika gwara remusangano.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti chiri kupa kuti muZanu-PF muite kunetsana inyaya yekuti hapana kujeka kuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe kana vachinge vasiya chigaro.
VaMugabe vane makore makumi mapfumbamwe nemaviri ekuberekwa uye vari kuti kuda kutaura nezveachatora chigaro chavo mune remangawana ari kutamba namaisva.