Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe National Army Yoramba Kuti Yakapamba VaItai Dzamara


Mauto enyika eZimbabwe National Army aramba mashoko ekuti ane chekuita nekutsakatika kwemurwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa nemunin’ina waVaItai Dzamara, Dr Patson Dzamara ekuti vainge vaine humbowo hwakasimba hunoratidza kuti vasori muchiuto kana kuti military intelligence vainge vaine chekuita nekupambwa kwaVaItai Dzamara avo vave nemwedzi gumi nemishahu vasingazivikanwe kuti varipi.

Nemusi weMuvhuro, Dr Dzamara vakaburitsawo mufananidzo wavakati unoratidza VaItai Dzamara vari muhusungwa.

Mufananidzo unonzi newaVaItai Dzamara
Mufananidzo unonzi newaVaItai Dzamara

Asi vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZNA Lieutenant Colonel Alphios Makotore vaudza Studio 7 kuti mauto haanei nechekuita nekutsakatika kwaVaItai Dzamara.

Lt Makotore vati mauto haaudzwe zvekuita nemapato ezvematongerwo enyika. Vatiwo mashoko aDr Dzamara ndeekuda kutsvaga mbiri kuvatori venhau nevanhuwo zvawo muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG