Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reVanorarama neHusope International Albinism Awareness Day.


Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kurangarira zuva vanorarama nehusope kana kuti International Albinism Awareness Day.

Sangano reUnited Nations General Assembly muna Zvita 18 2014 rakatara musi wa 13 Chikumi gore roga roga sezuva rekurangarira vanorarama nehusope.

Gore rino dingindira rakanangana nekugadzirisa zvinoda kuitwa munyaya dzehutano hwevanorarama nehusope uye kuti vanhu vose kusanganisa dzihurumende nevemasangano akazvimirira oga vaite mubatira pamwe chuma chomuzukuru kudzidzisa vanhu kuti vachengetedze kodzero dzevanorarama nehusope.

Asi zuva iri riri kucherechedzwa paine kushushikana kwakanyanya munyika dzekuchamhembe kweAfrica uko kune vanhu vapindwa nemweya waRigiyoni vari kuponda vanorarama nehusope vachivashandisa mumabasa ehuroyi zvikuru kuMalawi.

Izvi zvinokonzerwa nekushaya dzidziso yakakwana yekuti vanorarama nehusope vanhu vakangofanana nemunhuwo zvake. Kusanzwisisa uku ndiko kunopa kuti vanhu vanyeperwere nen’nanga kuti mapfupa evanorarama nehusope anokwanisa kuti munhu apfume kana kuromba.

Vamwe vanonyeperwawo nen’anga idzi kuti vakarara nevanorarame nehusope zvinokwanisa kuvarapa chirwere chemukondombera cheHIV/AIDS. Vabereki nedzimwe nguva vanorambawo kuti vana vavo varoore vanorarama nehusope uye vamwe vachiramba kuvapa mabasa.

Mutevedzeri wasachigaro wesangano reZimbabwe Albino Society Amai Sipelile Machingamidze vanoti vamwe vakuru mumabasa vanovadzikisira pasi.

Amai Machingamidze vanoti muZimbabwe chiri kunyanyanya kuvanetsa kuwana mishonga yekuzora kuzvidzivirira kuzvirwere zvakaita sechegomarara nezvimwe zveganda.

Mashoko aAmai Machingamidze anotsinhirwawo neMuzvare Cecilia Nyamasoka avo vanoraramawo nehusope.

Chiremba anobatsira nekurapa vanorarama nehusope ava pachena Dr Donald Mutangadura vanotiwo vanorarama nehusope havafanire kugara pazuva sezvo richikandanisa ganda ravo vachizoguma vaita chirwere chegomarara. Vatiwo vamwe vanhu vari kusarura vanorarama nehusope ava.

Dr Mutangadura vatiwo zvakakosha kuti vabereki vaone kuti vana vanorarama nehusope havaitiswe mabasa ekuti vagare vari pazuva sezvo zvichizokonzera chirwere chigomarara.

Muzvare Nyamasoka vanotiwo vari kushungurudzwa mumoyo zvakanyanya nezviri kuitika kuMalawi uko kune vanhu vari kuponda vanorarama nehusope.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International rakatumirawo nhumwa kunyika yeMalawi kuti dzinoongorora nyaya iyi.

Mukuru wesangano iri kuchamhembe kweAfrica VaDeprose Muchena vakasangano nemutungamiri weMalawi VaPeter Mutharika vakavakurudzira kuti vakoshese kodzero dzevanorarama nehusope.

Chipangamazano muAmnesty International VaSimeon Mawanza vanoti zvavakaona kuMalawi zvinoshungurudza zvakanyanya.

Vatiwo hurumende yenyika iyi inenge isina chido chekugadzirisa kupondwa kwevanorarama nehusope.

Asi Dr Mutangadura vanoti dambudziko iri harisati rave muZimbabwe asi vakatiwo nyaya yekuda kushandisa vanorarama mune zvehusope kushaya njere.

Amai Machingamidze vanoti ongororo yavakapedzisira kuita yakaburitsa pachena kuti muzimbabwe mune vanhu vanorarama nehusope zviuru makumi maviri.

MuZimbabwe vanorarama nehusope ava varatidza kwemakore akawanda kuti vanokwanisa kuita magamba mumabasa avanoshanda, izvi zvinobuda mumabasa akaitwa navana muchakabvu Muzvinafundo John Makumbe vaive nyanzvi yemandiriri munyaya dzezvematongerwo enyika uye chiremba ainge aine mukurumbira zvikuru achirapa vana vadiki munyika Dr Isidore Evans Pazvakavambwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:11:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG