Accessibility links

Breaking News

VaObama Vobatana nePasi Rose kuChema Shasha yeTsiva Muhammad Ali

Mohammad Ali
Mohammad Ali

Shasha yetsiva pasi rose Muhammad Ali akashaya nemusi weChishanu mushure mekurwara kwenguva yakareba.

Ali uyo ainge aine chirwere chekukanganwa kana kuti Parkinson's disease akashaya ave nemakore makumi manomwe nemana.

Izvi zvinotevera kuendeswa kwake mazuva mashoma apfuura kuchipatara che Phoenix, Arizona mushure mekutadza kufema zvakanaka.

Chirwere ichi chinonzi navanachiremba chinogona kunge chakakonzerwa nezvibhakera zvairohwa Ali mumusoro mumutambo wetsiva.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama vati Ali ndiye ainge ari mutambi wetsiva akadarika vamwe vose uye hapana kana mubvunzo. VaObama vati Ali akaita kuti pasi rose ritinhire nekugona kwake tsiva.

Vaenderera mberi vachiti Ali akarwa zvine nhoroondo apo airwisana nechirwere cheParkinson's ichi. VaObama varumbidzawo Ali uyo vati ainge aine chipo chekutaura.

Obit Muhammad Ali
Obit Muhammad Ali

VeSports Illustrated vanonyora zvemitambo vakati Ali ndiye mutambi akashura mare mumakore ose zana ekuma 1900 kana kuti 20the century.

Zita rake rekuberekwa rinonzi Cassius Marcellus Clay Jr iro akazochinya muna 1964 ave kushandisa rekuti Muhammad Ali zvichienderana nechitendero chake chechi Muslim.

Ali akava mumwe ane mukurumbira zvakanyanya muAmerica kubuda muchitendero chechiKristu achienda kuchitendero chechiMuslim ichi.

Ali naMalcolm X
Ali naMalcolm X

Ali aivewo nehushamwari hwakasimba nemutauriri we sangano reNation of Islam Malcolm X. Kudyidzana kwaAli neveNation of Islam hakwaifarirwa nevamwe vachena asi izvi hazvina kumusvibisa moyo.

Muna 1967, Ali akaramba kuenda kuhondo yeku Vietnam achiti chitendero chake chitsva hachaimutendera kuti ayende kuhondo. Izvi zvakapa kuti asungwe kuHuston, Texas sezvo paisungirwa kuti varume vose vezera rake vaende kuhondo.

Ali akapedza makore akawanda achitongwa kusvika dare repamusor soro muAmerica reSupreme Court ramuchenura.

Muhammad Ali achirova George Foreman kuZaire
Muhammad Ali achirova George Foreman kuZaire

Muhammad Ali akarwa mitambo ine nhoroondo kusanganisa wainzi "Rumble in the Jungle" apo akarwa neGeorge Foreman muna 1974 kuZaire (DRC).

Pamutambo uyu Ali ainyebera hake kunge aneta achisiya Foreman achipedza simba nekukanda zvibhakera. Asi Ali akazomuka chibhembenenga ndokurova Foreman.

Muna 1975, Ali akarwawo naFrazier kuPhilippines pamutambo wainzi "Thriller in Manila". Ali akazorova Frazier mushure memarounds gumi nemana.

Muhammad Ali naPope John paul II
Muhammad Ali naPope John paul II

Don King uyo aishambadzira mitambo yetsiva yaAli ati Ali saMartin Luther King haafe akakanganwikwa uye rufu harungaite kuti vanhu vakanganwe nhoroondo yake.

Ali ari kuchemerwa kunzvimbo yaakaberekerwa yeLouisville, Kentucky. Mireza yemunzvimbo iyi yaderedzwa semunongedzo wekuchema gamba.

Ali akatora menduru yeWorld Heavyweight aine makore makumi maviri nemaviri ekuberekwa.

This item is part of
XS
SM
MD
LG