Kunyangwe zvazvo ruzhinji rweZimbabwe rwakanganwa nezvehondo yerusununguko, kuvagari vekuMukumbura nyaya yehondo inyaya ichiri kuvashungurudza zvikuru nekuda kwezvimbambaira zvirimunzvimbo yavo.
Dzimwe nzvimbo dziri kumuganhu weZimbabwe neMozambique achiri mazivandadzoka nenyaya yezvimbambaira zvaiswa munzvimbo iyi munguva yehondo yeChimurenga asi zvisina kubviswa kunyangwe nyika yakawana kuzvitonga mugore ra1980.
Vamwe vagari vakatarisana nedambudziko rezvimbambaira iri nevari kuMukumbura. Vagari ava vave nemakore akawanda vachitadza kuwana mvura, mafuro emombe kanawo minda yekurima.
Asi ikozvino kunenge kwave nechiyedza sezvo mamwe masangano akazvimirira oga ave kubvisa zvimbambaira izvi.
Sangano rakazvimirira reHalo Trust nderimwe ramasangano arikubvisa zvimbambaira kumusha weMukumbura. Studio 7 yakashanyira nzvimbo iyi ikaona vashandi vesangano iri vari mubishi kubvisa zvimbambaira izvi zvinova zvinhu zvafadza vagari vemunzvimbo iyi.
VaNoel Piroro mumwe mugari wekuMukumbura. Vanoti kubviswa kwezvimbambaira munzvimbo yavo kuri kuvasunungura sezvo vange vasingakwanisi kufamba munzvimbo yavo vakasununguka.
“Kubviswa kwezvimbambaira kuri kubatsira zvipfuwo zvakuchengetedza. Takuwanawo nzvimbo dzekurima zvakare.”
Izvi zvakatsinhirwa naVaMichael Murinyu vanogara mudunhu rekwaKapfudza Mumukumbura makare. Vaudzawo Studio 7 kuti kunyangwe zvazvo nguva yareba kubva munguva yakapera hondo vanofara kuti parizvino zvinhu zvavekufamba huye varikuona musiyano.
“Mombe dzedu dzakuwana mafuro huye kana isu sevanhu tachengeteka. Tine zvirema zvizhinji nekuda kwezvimbambaira huye taitadza kuenda kumvura. Kunyangwe zvatora nguva ndefu asi zvavekufamba”
VaJuly Picture Knowledge vanova mukuru anoona nezvekubviswa kwezvimbambaira musangano rakazvimirira reHalo Trust vakataurira Studio 7 kuti pachine basa guru riri kuda kuitwa vakati kushaikwa kwemari ndiro dambudziko guru ravanosangana naro.
“SeHalo Trust takapiwa makiromita 417 kubva mudunhu reChidodo kusvika kwaRwenya kubvisa zvimbambaira. Takatsvaka kutanga nenzvimbo dzinodzivirirwa ruzhinji kubva mukuwana mvura nemafuro. Dambudziko guru nderemari. Kubvisa zvimbambaira kunoda mari zhinji.”
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzichine zvimbambaira zvakawanda zviri pedyo nemisha inogara vanhu. Zvimbambaira izvi zvakadyarwa nguva yehondo ane masoja eRhodesia kuyedza kudzivirira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvisayambuke kuenda kune dzimwe nyika kunodzidzira kurwa hondo uye kudzivirira varwi vehondo yerusununguko kuti vasapinde munyika.
Sangano reHalo Trust rinoti zvinogona kutora makore angasvike gumi nemashanu kuti Zimbabwe ibvise zvimbambaira zvose.
Kubva muna 1980, vanhu vanopfuura chiuru chimwe chete nemazana mashanu vaurayiwa nezvimbambaira izvi uye vanhu zviuru zviviri vafawo.
Mombe dzinosvika chiuru zana nemakumi maviri dzafawo nenyaya yezvimbambaira izvi. Asi Zimbabwe yakakwanisa kubvisa zvimbambaira kunzvimbo yeVictoria kusvika kuMzilikazi.