Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe "Warriors" Yoenda Kumakundano e2017 AFCON Mushure Mekukunda Malawi


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Zimbabwe 3- 0 Malawi

Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors nhasi chadadisa apo chakunda chikwata cheMalawi mumutambo weAfrica Nations Cup Qualifier watambirwa kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare.

Knowledge Musona uyo akagowesa penalty pamutambo weZimbabwe naSwaziland agowesa chibodzwa chekutanga kubva papenalty zvekare.

Chibodzwa chechipiri chagoeswa nemukomana ari kubvira moto kuAbsa Premier Soccer League yekuSouth Africa Khama Billiati. Zvibodzwa zviviri izvi zvakanwiswa muchikamu chekutanga Chibodzwa chekugumisira chanwiswa naCuthbert Malajila muchikamu chechipiri.

Mune mumwe mutambo watambirwa kuSomhlolo National Stadium, kuLobamba, Swaziland, nyika yeSwaziland yakakunda Guinea 1-0 zvakapa Zimbabwe tikiti rekuenda kumakwikwi eAFCON aya. Makwiki aya ari kutambirwa kunyika yeGabon. Zimbabwe yasara nemutambo mumwe chete neGuinea ukuwo Swaziland ichitamba neMalawi.

Kalisto Pasuwa aita murairidfzi wechitatu munhoroondo yenyika kuendesa maWarriors kumakundano aya mushure maSunday Chidzambwa naCharles Mhlauri.

XS
SM
MD
LG