Accessibility links

Breaking News

Kunetsena Kunotyisa neNyaya yeKurwira Chigaro ChaVaMugabe Kwotanga Zvekare muZanu-PF


VaPhelekezela Mphoko, VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa
VaPhelekezela Mphoko, VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa

Kunetsana kunotyisa kwatanga zvekare muZanu-PF zvichitevera kukandirana makobvu nematete kuri kuitwa nevari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanozviti Team Lacoste nevanotsigira chikwata chinonzi Generation 40 icho chine rutsigiro rwemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe.

Zvikwata izvi zviri kurwira kuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri ekuberekwa asi vasina kudoma achatora chigaro chavo.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vari kuyambira chikwata chevakarwa hondo cheZimbabwe National Liberation War Veterans Association kuti chave kupinda nemwenje mudziva nemashoko acho avati akanangana nekuda kupidigura hutungamiri hwaVaMugabe.

Vachitaura kumusangano wedunhu nemusi weChina kana kuti Provincial Coordinating Committee kuMatabeleland North, VaMphoko vakati veZNLWA varasika gwara rebato vakati vane gwaro ravari kufamba naro rinonzi “Blue Ocean Document” ravanoti rakanangana nekuda kukanganisa bato reZanu-PF.

VaMphoko vati vakarwa hondo vanofanira kungwarira chikwata ichi vakati bato richatora matanho akasimba kuranga vanhu ava.

Asi vachitaura neStudio 7, mutauriri weZNLWA VaDouglas Mahiya vakati ivo vanotsigira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vakwikwidze musarudzo dzemuna 2018.

Asi vati zvinofanira kuzivikanwa kuti pachitariswa hukuru mubato parizvino, VaMnangagwa ndivo vanotevera VaMugabe uye vanotsigira kuti vazotungamirawo kana VaMugabe vachinge vasiya chigaro.

VaMahiya vashora chikwata cheG40 chavati chiri kurwa semvumba kuda kukanganisa vakarwa hondo.

Pavabvunzwa neStudio 7 kuti ndivanani vavari kuti G40, VaMahiya vati gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo, gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi VaPatrick Zhuwao uye gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere. Vatiwo pane vamwe vakahwanda vavasina kudoma nemazita.

XS
SM
MD
LG