Makurukota ehurumende anoti rezvehupfumi, rehutano uye revashandi vehurumende vapinda mumusangano muHarare nevesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council kuti vazeye nyaya dzekunonoka kwemari yemihoro.
Hurumende yakazivisa svondo rapera kuti ichanonoka kutambirsa vashandi vayo mari izvo zvapa kuti paite ropa rakaipa pakati payo nevashandi ava vamwe vachiti vave kuronga kuratidzira.
Nekuda kwekuvharwa kwemakambani akawanda munyika gurukota rezvevashandi Amai Prisca Mupfumira vanoti hurumende yave kuwana mari shoma kubva kumutero zvopa kuti itadze kubhadhara vashandi.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yehuori ndiyo yapa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyika. Musangano uyu uri kuenderera mberi parizvino sezvo wanonoka kutanga.