Accessibility links

Breaking News

Musangano weSanganai/Hlanganani Wotanga muBulawayo


Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika VaWalter Mzembi
Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika VaWalter Mzembi

Gungano reSanganai/Hlanganani iro rinosanganisa vemabhizimisi nevamwe vanhu vanoita mabasa ane chekuita nezvekushanyirana, rakatanga nemusi weChina i muBulawayo vamwe vevanhu vachiti vari kufara kuti gungano iri radzorwa kuguta iri.

Gungano reSanganai/Hlanganani iri ndere chipfumbamwe kubva pakatanga kuitwa chirongwa ichi munyika uye richavhurwa zviri pamutemo nemusi weChishanu manheru nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko.

Vamwe veavo vataura neStudio 7 ndeavo vane dzimba dzinogarwa nevashanyi kana kuti ma lodge pamwe nevanoshambadza nekutengesa nzvimbo dzinokwanisa kushanyirwa nevanhu vemunyika pamwe nevekunze.

Muzvare Juliet Shangare avo vanoshandira nzvimbo yekushanyira yeAntelope Park iri kunze kweguta reGweru vati kudzorwa kwegungano reSanganai/Hlanganani muguta reBulawayo kuchaita kuti vanhu vakawanda vazive nezvakembani yavo.

VaItai Chitambo avo vanoshanda neimwe kambani inoita zvekushambadza nzvimbo dziri munyika dzekushanyira vatiwo kuitwa kwegungano iri muBulawayo kuchavapa mukana wekuti vazive dzimwe nzvimbo dzekushanyira dziri muBulawayo pamwe nenzvimbo dzakapoteredza guta iri.

Mukuru mukuru weZimbabwe Tourism Authority vaKarikoga Kaeseke vakataurira vatori venhau nezuro kuti sangano ravo iro rinove ndiro rinoronga gungano iri, rakaona zvakakodzera kudzora chirongwa ichi muguta reBulawayo senzira yekuedza kusimudzira mabhizimisi ezvekushanya sezvo Bulawayo nedunhu reMatabeleland dziri nzvimbo dzine dzimwe nzvimbo dzekushanyira dzine mukurumbira kana pasi rose.

Mune imwewo nyaya musangano wekomiti yeparamende yezvekutongwa kwematunhu wekunzwa kubva kuvanhu pamusoro pebhiri reLocal government laws amendment Act wakaitwa kuBulawayo nemusi weChitatu hauna kuzopera zvakanaka mushure mekunge vamwe vanhu vaivepo pamusangano uyu vakatanga kuimba vachishora gurukota rezvematunhu vaSavior Kasukuwere.

Mumwe wevagari vakauya pamusangano uyu VaEarthman Zhou vakati vanhu vari kutsutsumwa pamusoro pekuti bhiri iri rinotaura chete nezvekuti makanzura anodzingwa sei pazvigaro zvawo risingakoshesi nyaya yekuendeswa kwemasimba kumatunhu kana kuti devolution.

Vanhu vakawanda munyika vari kushora bhiri rezvekutongwa kwematunhu iri vachiti rinosiya zvinhu zvakawanda zvakakosha panyaya yekutongwa kwematunhu vachitiwo bhiri iri rinoramba rakaisa masimba akawanda mumaoko egurukota rezvekutongwa kwematunhu izvo zvisingawirirane nebumbiro remitemo yenyika.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG