Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Rotura Mutongo paNyaya yaVaManyenyeni neChitatu


VaBernard Manyenyeni
VaBernard Manyenyeni

Mutongi wedare repamusoro reHigh Court Amai Lavender Makoni nemusi weChitatu, Chikumi 29 vari kutarisirwa kutura mutongo wavo panyaya yechimbi chimbi yakaturwa kudare nameya weguta reHarare vakambomiswa basa VaBernard Manyenyeni.

VaManyenyeni vakamiswa basa negurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere vachipomerwa mhosva yekusafambisa basa rekanzuru zvakanaka. Musi wa 17 Chikumi amai Makoni vakambosendeka parutivi kutura mutongo wavo.

Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, VaDzimbabwe Chimgwa, VaDavid Hofisi uye Muzvare Belinda Chinowawa ndivo vari kumirira VaManyenyeni. Magweta aya anoti VaKasukuwere vakatyora bumbiro remutemo apo vakamisa kechipiri VaManyenyeni basa.

VaKasukuwere vakambomisa basa VaManyenyeni kekutanga vachivapomera mhosva yekupinza VaJames Mushore basa rekuva munyori wekanzuru kana kuti town clerk zvisi pamutemo.

Kechipiri vakazovamisa basa VaManyenyeni vachiti vainge vasina kuongorora mamwe makambani ekanzuru yeHarare aifungidzirwa kuti aiitwa zvehuori.

Kekutanga aka, VaKasukuwere vakatadza kudzinga VaManyenyeni basa mushure mekunge zvabuda pachena kuti mutemo waivasungira kuti vaumbe komiti kana kuti tribunal mukati memazuva makumi mana nemashanu.

Izvi zvakapa kuti VaKasukuwere vadzore VaManyenyeni kubasa ndokuvamisa zvakare kechipiri.VaKasukuwere vakabva vaitawo chipata pata chekuda kugadzirisa mutemo wekutongwa kwematunhu kuti vawane masimba ekudzinga nekumisa mameya basa. Dare reparamende richiri kuzeya nyaya iyi.

XS
SM
MD
LG