Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti VaMugabe Varemerwa neMutoro weKutonga


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakundikana kutonga nekudaro vave kufanira kuchienda pamudyandigere.

Vachitaura neStudio 7, VaTsvangirai vati tsika yaVaMugabe yekuti hupfumi hwaenda kumawere nenyaya yezvirango uye vanhu vekuChina vave kunzi vari kuita kuti nyika ishomekerwe nemari kutsvaga kweashaya kutsvaga uta mugate.

VaTsvangirai vanotiwo hupfumi hwenyika hunokwanisa kugadziriswa nechimbi chimbi kana hurumende yakazvipira kugadzirisa zvinhu uye kumira nyaya dzekuita zvehuwori.

Vanoti muhurumende yemubatanidzwa vakakwanisa kugadzira zvinhu nechimbi chimbi kunyangwe hazvo hupfumi hwainge hwave kumaziva ndadzoka.

Bato reMDC riri kuratidzirawo mumaguta ose enyika richiti harisi kufara nenyaya yehuori uye mabond notes ari kuda kuparurwa nebhanga guru renyika reRBZ. Kumwe kuratidzira kuri kwaMutare nemusi wa 25 Chikumi.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG