Accessibility links

Breaking News

Gavhuna weRBZ Anoti Zimbabwe Yobhadhara Chikwereti kuIMF neWorld Bank neMamwe Masangano Muna Gunyana

Dr John Mangudya
Dr John Mangudya

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Dr John Mangudya vanoti Zimbabwe yakwanisa kuwana mari dzinodiwa kuti ibhadhare mari dzemitero dziri kuiswa pachikwereti chayo kana kuti maarrears.

Zimbabwe ine chikwereti chinosvika mabhiriyoni gumi kusanganisa mitero yekutadza kubhadhara iyi anosvika bhiriyoni imwe chete nemazana masere emadhora kana kuti US$1,8 billion.

Mari iyi iri kuda kubhadharwa kumabhanga akaita seIMF, World Bank, Paris Club, African Development Bank nedzimwe nyika.

Kutadza kubhadhara mari iyi kwapa kuti pashaye anokweretesa Zimbabwe mari zvopa kuti hupfumi huende kumawere. Dr Mangudya vanoti vari kukwereta mari kune mamwe masangano avasina kuda kudomwa nemutero uri pasi kuti vabhadhare chikwereti ichi.

Zimbabwe yakambozivisa kuti yaizobhadhara chikwereti ichi muna Kubvumbi ikazoti ichabhadhara muna Chikumi asi zvakakona n'anga murapwa achida.

Hurukuro naDr John Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG