Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orovazve neKusunga Vari Kuti VaMphoko Ngavabude muHotera

Mphoko Demo
Mphoko Demo

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga anonzi nhasi arova nekusunga vamwe vemasangano evechidiki avo vange vachiratidzira kuti havasi kufara nenyaya yekuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vari kuramba vachigara muRainbow Towers Hotel vanhu vakawanda vachinonga svosve nemuromo.

Varatidziri ava vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyanavachibvawo kumasangano anoti National Vendors Union of Zimbabwe (NAVUZ) Restoration of Human Rights pamwe nemubatanidzwa wemasangano echidiki uri kuzviti Tajamuka.

Vasungwa nemapurisa vanosanganisa sachigaro we NAVUZ VaStan Zvorwadza uye vamwe vatori venhau vaviri kusanganisa VaEgdar Gweshe vanoshanda vakazvimirira.

Kuratidzira uku kunotevera kumwe kwakaitwa nemusi weChishanu uye kunonzi kwambopa kuti Rainbow Towers Hotel imbovharwe. Vanhu vanodarika mamiriyoni mana havana chekudya munyika asi vamwe vari kuchema chema kuti vakawanda muhurumende vari kuita zvehuori vachidya havo nerivha.

Hurumende iri kukundikanawo kubhadhara vashandi vayo avo vae kuronga kutanga kuramwa mabasa.

Tsvagiridzo yeStudio 7 yakaburitsa pachena kuti VaMphoko nemhuri yavo vari kubhadhara hotera mari inoita madhora mazana mana nemakumi matatu ($430) pazuva inenge ichibva muhomwe yehurumende. VaMphoko vakapinda muhotera iyi muna 2014.

Bepanhau reNewsday rakaburitsa mashoko svondo rapera ekuti VaMphoko vakaramba dzimba mbiri dzavakatengerwa nehurumende vachiti dzimba idzi hadzina mutsigo. Imwe yedzimba idzi inonzi inokosha mamiriyoni matatu emadhora.

Kune mamwe makurukota ehurumende nevakuru vedare reparamende vanonzi vari kugarawo mumahotera nemari dzemitero yevanhu vachizviti havana dzimba dzekugara.

XS
SM
MD
LG