Shasha yenhabvu, Lionel Messi anotambira Argentina nechikwata chekuSpain cheBarcelona anoti ave kugura muchato wake nenyika yake mushure mekunge atadza kutora kana mukombe mumwe chete zvawo.
Messi akataura mashoko aya pakapera makwikwi eCopa America akatambirwa muAmerica apo Argentina yakakundwa mufainari neChile kanova kechipiri Chile ichisimudza mukombe uyu.
Chile yakakunda Argentina nemusi weSvondo apo Francisco Silva akanwisa achiendesa mukomana wepagedhi weArgentina Sergio Romero kudivi risiri iro.
Zvikwata zviviri izvi zvainge zvaita mangange 0-0 pamberi pevatsigiri vanosvika zviuru makumi masere nevaviri kuEast Rutherford muNew Jersy.
Zvikwata zvinotamba muCopa America zvinobva kuNorth nekuSouth America.
Makore matatu apfuura, Argentina yakakundwa neChile mumafainari aya mushure mekunge zvikwata izvi zvaita mangange 0-0 zvekare. Messi ndiye akarova penalty yekutanga akatadza. Argentina yakazokundwa 4-2 mumapenalty aya.
Messi akabva audza nhepfenyuro ye TyC Sports yekuArgentina kuti ainge Amira kutambira Argentina nekuti ange akundikana kutora mukombe uuyu kunyangwe change chiri chido chake.
Messi ane makore makumi maviri nemapfumvamwe.
Uye akwanisa kutora mukombe ye Champions League mina ne Barcelona. Asi haan kana mukombe weCopa America kana World Cup neArgentina.