Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vopika kuti Havafe Vakadzokera kuZanu-PF.


Mujuru
Mujuru

Vaimbova mutevedze wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru avo vave kutungamira bato rinopikisa reZimbabwe People First-ZPF, nemusi weMugovera vakaita musangano muHarare vakapika kuti havasi kuzofa vakadzokera kubato reZanu-PF.

“Bato iri (ZPF) haridyidzane zvachose ne Zanu-PF. Ndapota inzwai izvi kubva kwandiri. Handisi kuzofa ndakadzokera kuZanu-PF. Bato rino rine vatsigiri kubva kumapato akawanda uye vamwe vaizviti havadi zvematongerwo enyika” vakadaro Amai Mujuru.

Ama Mujuru vakadzingwa mubato reZanu-PF muna 2014 vachipomerwa mhosva yekuda kuita kafiramberi mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Asi vachitaura kuvatsigiri vavo, Amai Mujuru vakati vari kushamisika kuti sei vasiri kusungwa kana vachinzi vakapara mhosva huru yakadai.

Amai Mujuru vakaudza vanhu ava kuti nyaya huru iripo yakaita kuti vadzingwe yainge iri nyaya yekuti vainge vofumura vanhu vainge vachiita zvehuori.

Mutungamiri webato reZimbabwe People First akatiwo zvinhu zvinoodza moyo kuti vatungamiri venyika vanopedza nguva vachidzidzisa vechidiki kutuka vanhu vakarwa hondo yerusununguko vachitadza kuuya nemazano ekunyukura nyika mumadhaka mairi.

Vakatiwo vari kushushikana zvikuru nekubatwa neseri kweruoko kwavanoti kuri kuitwa vanhu vakarwa hondo yerusununguko.

XS
SM
MD
LG