Aka kava kechipiri VaMnangagwa vachipinda mumusangano uyu semutungamiri wenyika.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBritain zvinoti zviri kuronga kuungana pamuzinda weZimbabwe uri muLondon neMugovera zvichiratidzira kunyunyuta kwazvo kupambwa kunonzi kwakaitwa Dr. Peter Magombeyi, nevanhu vasingazivikanwe kuti ndivanani.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights, VaOkay Machisa, vanoti vanotenda zvikuru nekubvumidza nhumwa iyi munyika, asi vachiti yauya nguva yakaipa iri kutyorwa kodzero dzevanhu vari kupambwa vachishungurudzwa.
Zimbabwe, sedzimwe nyika dzakawanda mupasi rose, inotarisiswawo mabatiro ainoita kodzero dzevanhu, uye kuti iri kutevera zvakadii hutongo hwejekerere.
Doctor Zhou vanoti chimwe chinovashamisa ndechekuti vanhu vakatandanisa Vamugabe kubva pachigaro ndivo vave pamberi kutungamira kuda kuti varadzikwe zvakanaka sezvavanoona zvinoitwa kune vamwe vaimbove vatungamiri vedzimwe nyika.
VaMugabe vanopembedzwawo zvikuru nekuwanisa vanhu vekumaruwa magetsi, uye kuendesa budiriro kunzvimbo zhinji dzakanga dzakashaiswa budiriro nehurumende yeRhodesia, kuburikidza nekuvandudza mataundishipi akawanda vachiaita ma growth point.
Pane maonero akasiyanasiyana pamusoro pekuti inhaka yakadii yasiirwa vana veZimbabwe nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe zvichitevera kushaya kwavakaita svondo rapera vari kune chimwe chipatara kuSingapore.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzakasiyanasiyana zvinoti zvakamanikidzwa kubuda munyika nekuda kwehutongo hwaVaRobert Mugabe, avo vazvinoti vaitonga nedemo.
Kukwira kwemutengo wechingwa uku kunonzi kunogona kunge kwakonzerwa nekushaya huremu kwedhora remunyika kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Chikwata chemhuri yaVaRobert Mugabe chichitungamirwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi, chasimuka kubva munyika mangwanani eMuvhuro chakananga kuSingapore kunotora mutumbi wavo.
Mutewedzeri wemunyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota, VaGeorge Charamba, vaudza bepanhau reThe Sunday Mail kuti VaMugabe vari kutarisirwa kuzoradzikwa kumarinda emagamba enyika kuNational Heroes’ Acre muHarare nemusi weSvondo.
Asi ZESN inoti huwandu hwevanhu vakavhota hwakaderera zvakanyanyisa rwendo rwuno zvichienzaniswa nevanhu vakavhota musarudzo dzegore rapera.
Hurumende yavo inopomerwa mhosva yekutungamira kubvutwa kweminda kubva kuvachena, kutyorwa kwekodzero dzevanhu, pamwe nekutsakatitswa kwevaivapikisa kana kufungidzirwa kuti vaipikisana navo.
Izvi zvinotevera danho rakatorwa nemapurisa rekurambidza MDC kutaridzira munyika yose achiti aityira kuti kuratidzaira uku kwaizokonzera mhirizhonga uye kuparadzwa kwemidziyo.
Mhirizhonga inonzi iri kuenderera mberi mune dzimwe nzvimbo dzemuguta reJohannesburg kuSouth Africa dzinogara veruzhinji, zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvichirwiswa nekuparadzirwa dzimba nezvizvarwa zvemu South Africa.
Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rakanyorera zvipatara zvishanu zvikuru zvemunyika richiti nhengo dzaro dzakanga dzisisakwanisi kuenda kumabasa kutanga neChipiri.
Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vanonzi vachave mutauri mukuru pamusangano uyu, uyo uchaitirwa kunhandare yeNational Sports Stadium.
Mauto eZimbabwe National Army anonzi akaungana muChinhoyi pakamba yemapurisa yeChinhoyi Central Police Station, uye pajeri reMurehwa Prisons, paine fungidziro yekuti igadziriro yekuparadza kuratidzira kunonzi kwakarongwa nebato rinopikisa reMDC mumatunhu eMashonaland East neMashonaland West.
Kurwisana uku kunotevera mhirizhonga inonzi yakatanga neChipiri pakati pevatyairi vemichovha nevamwe vanonzi vari kutengesa zvinodhaka munzvimbo dzinokwirirwa michovha iyi.
Sangano rinomirira vashandi vehurumende vanoita zvehutano, reHealth Apex Council, rinoti rambobvuma kutambira zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvemari iri kuda kuwedzerwa nayo mihoro yevashandi nehurumende kubva kutanga kwemwedzi uno
Rodhai zvimwe