Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Sarudzo dzeBy-Election kuGlen View South, Mangwe neMasvingo Dzakaitwa Murunyararo


ZESN inoti yakaisa vaongorori makumi mashanu nevanomwe musarudzo dzose dziri nhatu, kuGlen View South, Mangwe neMasvingo.
ZESN inoti yakaisa vaongorori makumi mashanu nevanomwe musarudzo dzose dziri nhatu, kuGlen View South, Mangwe neMasvingo.

Sangano rinoongorora sarudzo, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti sarudzo dzeby-election dzekutsvaga vamiriri veparamende dzakaitwa kuGlen View South muHarare pamwe nekuMangwe kuMatabeleland South neyemakanzuru yakaitwa ku Ward 1 kuMasvingo, neMugovera dzakaitwa murunyararo.

Asi ZESN inoti huwandu hwevanhu vakavhota hwakaderera zvakanyanyisa rwendo rwuno zvichienzaniswa nevanhu vakavhota musarudzo dzegore rapera.

Bato reMDC rakaramba riine chigaro cheGlen View South zvichitevera kukunda kwevakakwikwidza vakamirira bato iri, VaVincent Tsvangirai, kuchitiwo kuMangwe nekuMasvingo Zanu PF yakakundawo musarudzo idzi zvakaita kuti irambe iine zvigaro zviviri izvi.

KuGlen View South VaTsvangirai veMDC vakawana mavhoti zviuru zvitatu nemazana mana nemakumi manomwe nemana, VaOffard Muchuwe veZanu PF vachiwana mavhoti chiuru nemazana mashanu nemakumi matatu nemana.

Mamwe mapato akakwikwidza kuGlen View South anoti reLEAD iro rakanga rakamirirwa naVaMilton Edwin, avo vakawana mavhoti makumi mashanu nemasere, bato reUANC rakanga yakamirirwa naAmai Ellah Zisanhi, avo vakawana mavhoti makumi matatu nemana pamwe naVaParlington Pikelele avo vakawanawo mavhoti masere.

Amai Rosemary Nyamayedenga veFree Zim Cogress Party vakawana mavhoti makumi matatu nerimwe, kuchitiwo VaCrispen Rateiwa veZAPU vachiwana mavhoti gumi nemanomwe.

Vamwe vakakwikwidza vakazvimirira ndaVaPhilip Chamunorwa Ndengu avo vakawana mavhoti makumi matanhatu nemana, naVaMaxwell Kasema, avo vakawanawo mavhoti gumi nemana.

Mukuru wezvirongwa zveZESN, Amai Ellen Dingani, vanoti sangano ravo rakanga rakaisa vaongorori vesarudzo makumi mashanu nevanomwe mumatunhu ose ari matatu.

Vanoti kunyange hazvo iri garoziva kuti vanhu ndivo vanobuda kunovhota panoitwa sarudzo dze by-election nguva dzose, panoda kuongororwa kuti sei zvichidaro kuti vanhu havadi kuenda kunovhota sezvavanoita musarudzo dzinoitwa pekutanga.

Sarudzo dzekuGlen View South neMangwe dzakaitwa zvichitevera kushaya kwaAmai Vimbai Tsvangirai-Java veMDC pamwe naVaObedingwa Madlala Mguni veZanu PF.

Hurukuro naAmai Ellen Dingani
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG