Accessibility links

Breaking News

Mutengo weChingwa Unokwira Zvakare


Mutengo wechingwa unonzi wakwira zvakapetwa mazana mashanu kubva muzana kubva kutanga kwegore rino.
Mutengo wechingwa unonzi wakwira zvakapetwa mazana mashanu kubva muzana kubva kutanga kwegore rino.

Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichiomera veruzhinji munyika avo vamuka vachinzwa kuti mutengo wechingwa wakwira zvakare kutanga nemusi weChipiri.

Chingwa chinonzi chakwira mutengo kubva pamadhora manomwe kuenda pamadhora mapfumbamwe ane masendi makumi manomwe, mutengo unonzi nedzimwe nyanzvi mune zveupfumi uchatadza kusvikirwa nevakawanda, sezvo mihoro yevashandi iri kuramba iri pasi pasi.

Nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze vanoti mutengo wechingwa mutsva uyu wave kureva kuti mhuri inodya rofu rechingwa rimwechete pazuva inenge yave kuda mari inoita madhora mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nerimwe pamwedzi.

Kukwira kwemutengo wechingwa uku kunonzi kunogona kunge kwakonzerwa nekushaya huremu kwedhora remunyika kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Zvinonzi dhora rekuAmerica rimwechete rave kutengwa nemadhora gumi nemashanu emunyika, izvo zvinonzi zviri kukwidzawo mitengo yezvinhu zvinotengwa kunze sezvo zvichida mari yekuAmerica.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti chimwe chinogona kunge chakwidza mutengo wechingwa kukwidzwa kwemutengo wegorosi, iro rinonzi riri kutoshaikwa zvakare munyika.

Munyori mukuru wesangano guru rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti sevashandi havasi kufara, kwete nemutengo wechingwa chete, asi kuti nemitengo yezvinhu zvakawanda izvo zviri kungokwidzwa mutengo muchivande.

VaMoyo vanoti sevashandi, vakanga vambopawo pfungwa dzavo kuhurumende, asi zvinoratidza kuti hurumende itsva iripo iyi haina han’ya nekuita hurukuro navo.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvimwe zvinonzi zvakakwidzwa mitengo muchinyararire zvinosanganisira upfu, mafuta edzimotokari, mafuta ekubikisa nezvimwe.

Kukwira kwemitengo uku kunouya panguva iyo vabereki vari kutatarika kuunganidza mari dzekubhadharira vana vavo zvikoro, izvo zvavhurwawo neChipiri.

Doctor Kanyenze vanotiwo mihoro yevashandi vakawanda munyika yave pasi kwazvo zvekuti kurarama dzangove nyasha dzaMwari. Vanopa semuenzaniso muhoro wevashandi vemumapurazi avo vavanoti vari kutambira madhora zana nemakumi matatu pamwedzi.

Ukuwo, VaMoyo vanotiwo vashandi vakawanda vari kutambudzika zvekuti vanotofamba netsoka kuenda kumabasa pamwe nekudzokera kudzimba dzavo zuva roga roga.

Vanoti chimwe chiri kuwedzera matambudziko aya inyaya yekushaikwa kwemagetsi mumakambani, izvo zvave kuita kuti vashandi vangoshanda maawa mashomashoma, kana kusatoshanda zvachose.

VaMoyo vanoti kunyange zvinhu zvakaoma, vashandi vave kungoramba vakabatirira pamabasa avo vaine tarisiro yekuti hupenyu hungangozonaka mune ramangwana.

Asi nyanzvi zhinji mune zveupfumi dzinoti zvinhu zvichatora nguva kuti zvikane munyika nekuda kwekuti zvimhingamipinyi zvakatarisana nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa zvanyanya kuwandisa kuti izvi gadzirise zvose.

Kusvika hurumende yakwanisa kuwanisa vanhu magetsi, mvura, uye mari mumabhanga, vakawanda vanoti rugare rwemakore awana nyika kuzvitonga hucharamba hungori zviroto kune vasina kuhurarama, vakahurarama achingove matakadya kare, ayo asinganyaradzi mwana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG