Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoronga Musangano weKutsigira SADC Panyaya yeZvirango


Munyori noona nezvemabasa mubato reZanu PF, Doctor Obert Mpofu.
Munyori noona nezvemabasa mubato reZanu PF, Doctor Obert Mpofu.

Bato reZanu PF rinoti riri kuita musangano mukuru muHarare nemusi weChina svondo rino wekutsigira danho reSADC rekukurudzira nyika dzekumawirira kuti dzibvise zvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe.

Munyori anoona nekufambiswa kwemabasa muZanu PF, Doctor Obert Mpofu, vanoti kunyange hazvo bato ravo riri iro rakaronga musangano uyu, vari kukoka munhu wese zvisineyi nekuti ndewebato ripi nekuti zvirango izvi zviri kukanganisa munhu wese.

Vachipindura mubvunzo wekuti sei vasiri kuita zviri kukurudzirwa neAmerica pamwe neEuropean Union, zvekuremekedza kodzero dzevanhu kuitira kuti zvirango zvibviswe, Doctor Mpofu vanoti sebato riri kutonga vari kuita zvose zviri kudiwa, asi kungoti vanochengetedza mutemo havangarambe vakapeta maoko kana vanopikisa vachiratidzira vachiparadza midziyo pamwe nekutyora mutemo.

Panyaya yekuti mutemo wekubvumidza misangano uri kushandiswa pachitariswa kuti munhu abuda mumba maani, Doctor Mpofu vanoti bato reZanu PF rinozivikanwa nekuita misangano yaro murunyararo kana zvichienzaniswa nebato rinopikisa reMDC, iro rakarambidzwa nemapurisa kuratidzira munyika yose richinzi rinoita mhirizhonga.

Vanoti vanga vasati vave neruzivo kana mapurisa anga ati abvumidza musangano wavo uyu kuti uenderere mberi, asi vanoti vanochengetedza runyararo vachange vachiona kuti musangano wavo uyu waitwa murunyararo.

Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vanonzi vachave mutauri mukuru pamusangano uyu, uyo uchaitirwa kunhandare yeNational Sports Stadium.

VaMnangagwa vanonzi vachatora mukana uyu kuudza vatsigiri vavo mafambiro akaita musangano weSADCC Summit wakaitirwa kuDar es Salaam, kuTanzania, mwedzi wapera.

SADC inonzi iri kushandawo neAfrican Union kuti zvirango izvi zvibviswe zvekuti African Union iri kutarisirwa kusvitsa zviri pamutemo chikumbiro chekuti zvirango izvi zvibviswe pachaitwa musangano wechimakumi manomwe neina weUnited Nations General Assembly mukupera kwemwedzi uno kuNew York.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusorosoro paUniversity of Johannesburg, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti zvinokatyamadza kuti munyika muri kushandiswa mutemo pachitariswa kuti munhu abuda mumba maani.

Doctor Ruhanya vanoti bato reMDC rakarambidzwa kuita musangano waro nemapurisa asi bato reZanu PF haritombodi kutanga razivisa mapurisa. kuti rine musangano.

Vanotiwo zvinovashamisa kuti munyika mune huwori hunotyisa asi havasati vambonzwa bato reZanu PF richiratidzira kuti huwori uhwu, uhwo vanoti hwakafanana nezvirango, humiswe.

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG