Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoonawo VaMugabe seMutungamiri Aikanganwa Mhuri Yake


Kunyange hazvo vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachinzi vakawanisa mhuri yeZimbabwe dzidzo neminda, vamwe vanoti vakave mutungamiri akakanganwa mhuri achifadza vekunze.
Kunyange hazvo vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachinzi vakawanisa mhuri yeZimbabwe dzidzo neminda, vamwe vanoti vakave mutungamiri akakanganwa mhuri achifadza vekunze.

Vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakashaya svondo rapera, vanonzi nevakawanda munhu akasiya nhaka yakakosha zvikuru kumhuri yeZimbabwe kuburikidza nekuwanisa vanhu dzidzo pamwe nevhu.

VaMugabe vanopembedzwawo zvikuru nekuwanisa vanhu vekumaruwa magetsi, uye kuendesa budiriro kunzvimbo zhinji dzakanga dzakashaiswa budiriro nehurumende yeRhodesia, kuburikidza nekuvandudza mataundishipi akawanda vachiaita ma growth point.

Mumwe wevanoti VaMugabe vakaita zvikuru muzvinhu izvi mufundisi veUnited Methodist Church vachishanda vari paNyadire Mission kuUzumba mudunhu reMashonaland East, Reverend Forbes Matonga.

Asi Reverend Matonga vanoti kunyange hazvo VaMugabe munhu airemekedzwa kunze kwenyika nekuda kwemashoko avaitaura uye kusatya vachena, vakave mutungamiri akakanganwa mhuri yake iye achisweropembedzwa nevekunze.

Vanoti zvaiitwa naVaMugabe hazvina kusiyana nababa anoita mbiri nevavakidzani vake asi achikanganwa mhuri yake.

VaMugabe vari kutarisirwa kuradzikwa kumarinda emagamba enyika kuNationa Heroes Acre muHarare, kunyange hazvo pasina kunyatsojeka kuti ndiko kwavacharadzikwa here, kana kuti vacharadzikwa zuva ripi.

Vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu ekuberekwa, uye vakasiya mudzimai Amai Grace Mugabe nevana vatatu vanoti Amai Bona Mugabe-Chikore, Robert Junior naChatunga Bellarmine.

Hurukuro naReverend Forbes Matonga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG