Accessibility links

Breaking News

Mauto Anoiswa muMatunhu Ari Kuronga Kuratidzirwa neMDC


Zimbabwe National Army
Zimbabwe National Army

Mauto eZimbabwe National Army anonzi akaungana muChinhoyi pakamba yemapurisa yeChinhoyi Central Police Station, uye pajeri reMurehwa Prisons, paine fungidziro yekuti igadziriro yekuparadza kuratidzira kunonzi kwakarongwa nebato rinopikisa reMDC mumatunhu eMashonaland East neMashonaland West.

Mauto anonziwo ave kuwanikwa pama road block ari kuiswa memapurisa mumigwagwa yemunyika.

Bato reMDC rinonzi riri kuronga kuratidzira nyika yose richida kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa igadzirise zviri kunetsa munyika.

Asi mapurisa anonzi akatorambidza kuratidzira kwakanga kwakarongwa neMDC kuChinhoyi nekuMagunje kuMashonaland West.

Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vaudza Studio 7 kuti vacharatidzira vachitevera bumbiro remitemo yenyika.

Studio7 yabata Mutauriri wemauto, Colonel Alphios Makotore, kuti tinzwe divi remauto panyaya iyi, asi vati tiite zvekuvatumira mibvunzo netsambambozha, vachiti vanozotipindura nemusi weChishanu sezvo vanga vari kuNyanga.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reCenter for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zvave kuitwa nehurumende zvekungoisa mauto pese pese zvinoratidza kuti pane zvairi kutya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ukuwo vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yevechidiki muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti manyepo kuti mauto aiswa mumatunhu ari kuda kuratidzirwa neMDC sezvo bato iri risina rutsigiro kumaruwa kwacho zvekuti hapana vanobuda kunoratidzira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG