Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rinocherechedza Zuva reHutongo hweJekerere, reInternational Democracy Day


Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu ichishandisa mauto.
Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu ichishandisa mauto.

Zimbabwe neSvondo yakabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rehutongo hwejekerere, kana kuti International Day of Democracy.

Dingindira regore rino rakanga rakanangana nekuyeuchidza dzihurumende kuti hutongo hwejekere hwakanangana nevanhu.

Zimbabwe, sedzimwe nyika dzakawanda mupasi rose, inotarisiswawo mabatiro ainoita kodzero dzevanhu, uye kuti iri kutevera zvakadii hutongo hwejekerere.

Dzimwe nyika, zvikuru dzekumawirira, pamwe nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe, vanopomera hurumende yeZimbabwe mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Izvi zvinonzi ndizvo zvakazosvitsa kuti vamwe vakuru muhurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, kusanganisira naivo VaMugabe, vatemerwe zvirango.

Vamwe vanotiwo hapana shanduko yati yavepo pasi pehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, iyo iri kupomerwawo mhosva yekutowedzera kutyorwa kwekodzero dzevanhu ichishandisa mapurisa nemauto.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Association, VaOkay Machisa, vanoti kunyange hazvo vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakabatsira mukusunungura Zimbabwe, matongero avakanga vozoita mumashure akanga afanana nekuti vakanosungirira zvakare nyika pavakanga vasunungura.

Vanoti hutongo hwejekerere hunoonekwa nemafambisirwo anenge achiitwa sarudzo munyika, pachitariswa kuti vanhu vari kuvhota murunyararo here, uye kuti zvabuda musarudzo zviri kutambirwa zvakadii.

VaMachisa vanoti kunyange hazvo Zimbabwe ichiita sarudzo, zvinozobuda musarudzo idzi zvinowanzopikiswa nemamwe mapato anenge apinda musarudzo idzi, izvo zvinozoita kuti paonekwe sekunge hutongo hwejekerere husiri kuteverwa.

Vanotiwo nyaya dzekupambwa kwevanhu vanofungidzirwa kuti vanopikisa nehurumende dzeimwe nyaya inosvibisa hurumende panyaya yehutongo hwejekerere.

Hurukuro naVaOkay Machisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG