Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti VaMugabe Havana Nhaka Yakasimba Yavakasiira Nyika


Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu ekuberekwa.
Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu ekuberekwa.

Pane maonero akasiyanasiyana pamusoro pekuti inhaka yakadii yasiirwa vana veZimbabwe nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zvichitevera kushaya kwavakaita svondo rapera vari kune chimwe chipatara kuSingapore.

Vamwe vanotenda VaMugabe nekusiira vatema vemuZimbabwe nhaka yevhu pamwe nedzidzo, iyo inonzi yakaita kuti Zimbabwe ive imwe yenyika shoma shoma dziri pamusoro pane zvedzidzo mu Africa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti VaMugabe vakawana ruremekedzo kubva kuvanhu vemuAfrica kuburikidza nekugovera kwavakaita ivhu kuvatema pamwe nekuwanisa vatema dzidzo pachena avo vakanga vakasarira shure munguva yehutongi hwevachena.

VaChirumhanzu vanoti VaMugabe vane nhoroondowo yekutungamira hondo yeChimurenga chepiri, iyo yakaunza hutongo hwejekerere munyika.

Asi vamwewo ndivo vanoti VaMugabe nhaka yavasiira vana veZimbabwe ndeyekuvengana, huwori, pamwe nekupondana, sezvo vakarega kutora matanho munguva dzaipondwa vanhu kubva kuGukurahundi kusvika mukutsakatika kwevamwe vanosanganisira Vaitai Dzamara.

Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti VaMugabe havana nhaka yakavasiira vanhu sezvo vakashandisa chigaro chavo kuunganidza hupfumi pamwe neminda vachidya nevashoma vebato ravo.

Doctor Zembe vanoti vanopokana nevanoti vaive mutungamiri wenyika ava vakapa vana veZimbabwe dzidzo, vachiti zvikoro zvaingovakwa kana munguva yehutongi hwevachena.

Vanotiwo ivo VaMugabe vakawana dzidzo pachena vachibatsirwa nevafundisi vepaKutama, asi ivo vakange voomesera vatema vavaifanirwa kuchengetedza, zvekuti vakawanda vacho vanonzi vakadzidza havachina mabasa.

VaMugabe, vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu ekuberekwa.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG