Mhirizhonga inonzi iri kuenderera mberi mune dzimwe nzvimbo dzemuguta reJohannesburg kuSouth Africa dzinogara veruzhinji, zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvichirwiswa nekuparadzirwa dzimba nezvizvarwa zvemu South Africa.
Vanhu vashanu vanonzi vakaurayiwa kuburikidza nemhirizhonga iyi mudunhu reGauteng.
Mhirizhonga iyi iri kuenderera mberi panguva iyo vatungamiri venyika dzemu Africa vari kusangana mu Cape Town, South Africa, kumusangano wekutengeserana weWorld Economic Forum on Africa.
Vatungamiri venyika dzinoti Rwanda, Democratic Republic of Congo pamwe neMalawi vanonzi havana kuenda kumusangano uyu senzira yekunyunyuta nekurwiswa kwezvizvarwa zvekune dzimwe nyika uku, kunyange hazvo bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa rati hapana humbowo.
Mukuru werimwe remasangano anomirira zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa, reZimbabwe Human Rights Organisation South Africa, VaAzaria Dube Nduna, vanoti sangano ravo riri mubishi kuedza kuona kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvingani zvabatwa mumhirizhonga iyi.
Zvichakadaro, sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, uye vari nhengo yeZanu PF inomirira Makonde muparamende, VaKindness Paradza, vanoti zviri kuitika muSouth Africa zvinhu zvinonyadzisa zvikuru, uye zvinoshoresa nenyika dzekumawirira.
VaParadza vaudza Studio7 kuti vane chivimbo chekuti sachigaro veSADC Troika on Defence and Politics, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachakurukura nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nzira dzekumisa zviri kuitika izvi nekukasika.
Facebook Forum