Accessibility links

Breaking News

MDC Inonyorera Mapurisa Tsamba Ichida Tsananguro Pamusoro peKurambidzwa Kuratidzira


Munyori anoona nezvesarudzo muMDC, VaJacob Mafume. (C Mavhunga/VOA)
Munyori anoona nezvesarudzo muMDC, VaJacob Mafume. (C Mavhunga/VOA)

Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti rakanyorera tsamba mapurisa richinyunyuta nemabatiro arinoti mapurisa ari kuita nyaya dzemisangano yaro iyo iri kugara yakarambidzwa nemapurisa, asi Zanu PF ichibvumidzwa kuita misangano nekuratidzira munyika chero nguva.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nemapurisa rekurambidza MDC kuratidzira munyika yose achiti aityira kuti kuratidzaira uku kwaizokonzera mhirizhonga uye kuparadzwa kwemidziyo.

Ukuwo, bato reZanu PF rakatozivisa kuti riri kuronga kuita musangano waro wekutsigira danho rakatorwa neSADC rekuti zvirango zvibviswe.

Mapato maviri aya ari kutarisirwawo kusangana zvakare mudariro neMugovera uno musarudzo ye by-election kuGlen View South neMangwe, pamwe nemakanzuru ku wadhi 1 mudunhu reMasvingo North

KuGlen View South kuri kutsvagwa mumiriri zvichitevera kushaya kwaAmai Vimbai Tsvangirai-Java veMDC, kuchitiwo kuMangwe zvichitevera kushaya zvakare kwaVaObedingwa Mguni veZanu PF.

Vachakwikwidza kuGlen View South vakamirira MDC ndaVaVincent Tsvangirai, vanove mwanakomana wevaive mutungamiri weMDC, mushakabvu Morgan Tsvangirai, kuchitiwo VaOffan Muchuwe vachikwikwidza vakamirira Zanu PF.

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC, VaJacob Mafume, vanoti chikuru chakaita kuti vanyore tsamba kumapurisa kuda kuti vanzwisise kuti mapurisa ari kutadza kunzwisisa bumbiro remitemo here kana kuti achirambidza bato rimwe chete kuita misangano asi rimwe richibvumidzwa.

Panyaya yesarudzo ye by-election, VaMafume vanoti nhengo dzebato ravo dziri kutadziswa kutsvaga rutsigiro dzakasununguka sezvo vazhinji vavo vaine nyaya dziri kumatare edzimhosva mushure mekusungwa vachipomerwa mhosva dzisina maturo.

Nhengo yeZanu PF mudunhu reMatabeleland North, uye vakambovewo seneta veTsholotsho, VaBelieve Gaule, vanoti panyaya yekuti mapurisa ari kutarisa kuti munhu abuda mumba maani, MDC haisi kuda kutaura chokwadi chekuti nhengo dzayo dzinosungwa nekuti dzinenge dztyora mutemo, sezvo dzisingaratidziri murunyararo.

VaGaule vanotiwo bato ravo reZanu PF ndiro richakunda musarudzo dzese dze by-election dziri kuitwa mukupera kwesvondo, sezvo riine rutsigiro rwakasimba kukunda MDC.

Hurukuro naVaJacob Mafume pamwe naVaBelieve Gaule
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG