Accessibility links

Breaking News

Kuratidzira Korongwa Kuitwa muLondon ne New York


MDC demos in Washington DC
MDC demos in Washington DC

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBritain zvinoti zviri kuronga kuungana pamuzinda weZimbabwe uri muLondon neMugovera zvichiratidzira kunyunyuta kwazvo kupambwa kunonzi kwakaitwa vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Magombeyi, nevanhu vasingazivikanwe kuti ndivanani.

Dr. Magombeyi vakapambwa nemusi weMugovera wapfuura munguva dzemanheru, asi vakakwanisa kutumira mashoko vachiti vainge vapambwa nevarume vatatu vainge vakavhara zviso zvavo.

Mumwe wevari kuronga kuratidzira uku, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Amai Chenai Mutambasere, vanoti vari kukoka zvizvarwa zveZimbabwe zvese zvisineyi nekuti ndezvemapato api ezvematongerwo enyika kuitira kuti zvipindewo mukuratidzira uku kana Dr. Magombeyi vasina kunge vawanikwa panosvika Mugovera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF mudunhu reunited Kingdom and Ireland.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kurongawo kuratidzira kumuzinda weUnited Nations kuNew York uko kuri kuitirwa musangano wepagore weUnited Nations General Assembly.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachange vari kumusangano uyu uko vachasangana nevamwe vatungamiri venyika dziri muUnited Nations.

Kupambwa kwaDr. Magombeyi kunoitika panguva iyo nhumwa yeUnited Nations munyaya dzekodzero, VaClement Voule, vari kushanya muZimbabwe kwemazuva gumi.

VaVoule vachaita misangano nehurumende, masangano epasi rose, masangano anorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe, mapato ezvematongerwo pamwe nevose vanorwira kodzero dzevanhu.

Chinangwa chaVaVoule ndechekuona mamiriro akaita zvinhu munyaya dzekodzero pamwe nekutevedzwa kwemitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG