Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba Vachangopedza Zvidzidzo Vanomira Kuenda kuMabasa Vachiti Havana Mari dzeKufambisa


Vanachiremba vachiratidzira gore rapera pachipatara cheParirenyatwa muHarare.
Vanachiremba vachiratidzira gore rapera pachipatara cheParirenyatwa muHarare.

Vanachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo vatanga neChipiri kusaenda kumabasa vachiti havana mari dzekufambisa kuti vakwanise kusvika kuzvipatara kwavanoshandira.

Vakafanobata chigaro chasachigaro vesangano rinomirira vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Peter Magombeyi, vakaudza Studio 7 mukupera kwesvondo kuti kana hurumende ikatadza kugadzirisa zvichemo zvavo, nhengo dzavo dzichagara kumba sezvo dzisina mari yekuendesa kubasa.

Hurumende yakatiwo hayaikwanisa kupindira munyaya iyi sezvo ichitopirwawo neHealth Services Board zvinenge zvichiitika munhaurirano pakati pemushandi nemushandirwi.

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rakanyorera zvipatara zvishanu zvikuru zvemunyika richiti nhengo dzaro dzakanga dzisisakwanisi kuenda kumabasa kutanga neChipiri.

Zvipatara zvakaziviswa nezvedanho ravanachiremba iri zvinoti Parirenyatwa Group of Hospitals, Harare Central Hospital, Chitungwiza Central Hospital, United Bulawayo Hospitals, pamwe neMpilo Hospital.

Sangano iri rinoti vanachiremba vakanga vave kutora danho iri sezvo nhaurirano nehurumende pamusoro pemihoro dzakanga dzisina chimuko chadzaiburitsa.

Tsvakiridzo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti zvinhu zvanga zvisina kunyanyoshanduka muzvipatara zvikuru izvi, kunyange hazvo vanachiremba ava vatanga kusaenda kumabasa.

Vanachiremba vepakati vanonzi vangangopindawo mukusaenda kumabasa uku kutanga nemusi weChitatu kana vakawiriranawo klutora danho iri.

Zimbabwe Hospital Doctors Association inotiwo nhengo dzayo dziri kutyisidzirwa nevanofungidzirwa kuti vasori.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, pamwe negurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, kanawo Health Services Board kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Munyori musangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Evans Masitara, vanoti kusaenda kumabasa kwavanachiremba chinhu chinofanirwa kunge chisingaitiki dai hurumende yaitungamidza mberi nyaya dzehutano hwevanhu vayo, sezvinotarisirwa.

Doctor Masitara vanoti kusavepo kwavanachiremba muzvipatara zvehurumende kunokanganisa varwere vakasiyanasiyana, sezvo vakawanda vave kuenda kuzvipatara zvehurumende pamwe nemakanzuru nekuda kwemutengo uri pasi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG