Accessibility links

Breaking News

Nhumwa yeUnited Nations Yoshanyira Zimbabwe


UNHRC
UNHRC

Nhumwa yeUnited Nations yakakosha zvikuru munyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu, kana kuti Special Rapporteur on Rights to Freedom of Peaceful Assembly, Va Clément Nyaletsossi Voule, vari kutarisirwa munyika murwendo rwemazuva gumi.

Va Voule, avo vakakokwa nehurumende, vanotarisirwa kusangana nevamiriri vehurumende, vemasangano akazvimirira pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika vachinzwa matambudziko ari kusanganikwa nawo pamusoro penyaya dzekodzero dzevanhu.

Mumazuva gumi avachange vari muZimbabwe, VaVoule vachatarisirwawo kushanyira Bulawayo, Mutare pamwe nekuminda yemangoda kwaMarange.

Kushanya kwaVaVoule kunoitika panguva iyo munyika musina kumira zvakanaka zvichitevera kupambwa kwakaitwa vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Peter Magombeyi, avo vakapambwa nemusi weMugovera manheru.

Hurumende yakomekedza mapazi ayo kuti aferefete kupambwa kwaVaMagombeyi.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti ibasa rehurumende kuona kuti vose vari kupamba vanhu vabata uye votongwa nemhosva dzavakapara.

Ukuwo mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights, VaOkay Machisa, vanoti vanotenda zvikuru nekubvumidza nhumwa iyi munyika, asi vachiti yauya nguva yakaipa iri kutyorwa kodzero dzevanhu vari kupambwa vachishungurudzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG