Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMugabe Wotarisirwa Munyika neChitatu Kubva kuSingapore


Vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mutumbi wevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakashaya neChishanu chapfuura kuSingapore, uri kutarisirwa kusvika munyika nemusi weChitatu svondo rino.

Mutewedzeri wemunyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota, VaGeorge Charamba, vaudza bepanhau reThe Sunday Mail kuti VaMugabe vari kutarisirwa kuzoradzikwa kumarinda emagamba enyika kuNational Heroes’ Acre muHarare nemusi weSvondo.

VaCharamba varambawo mashoko ekuti pane kupesana pakati pehurumende nemhuri yekwaMugabe pamusoro pekuti vaimbove mutungamiri wenyika ava voradzikwa kupi.

Mamwewo mashoko anoti mhuri yekwaMugabe haisi kuda kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatungamire rufu urwu.

Hatina kukwanisa kubata vemhuri yekwaMugabe kuti tinzwe pavamire chaipo panyaya iyi.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika razivisawo mizinda yenyika iri muZimbabwe kuti mutumbi waVaMugabe uchaiswa munhandare yeNational sports Stadium muHarare nemusi weMugovera kuti vaonekane neveruzhinji.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF kuZanu PF VaGadzira Chirumhanzu vanoti nyaya yekuti VaMugabe vacharadzikwa kupi haisi nyaya yekuti vana veZimbabwe vazeye nezvayo sezvo VaMugabe vaine dzinza ravo rine masimba ekusarudza kuti vaovigwa kupi.

VaChirumhanzu vanoti chikuru chakakosha chinofanirwa kuitwa nevana veZimbabwe kubuda vachinoonekana negamba renyika rakaunza rusununguko nevhu kumhuri yevatema.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG