Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mutungamiri wesangano revarairidzi re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti zviri kuitwa nehurumende zvekuda kuvaka guva remhando yepamusorosoro rekuti vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, varadzikwe, kutambisa mari yenyika.
Doctor Zhou vanoti kunyange hazvo VaMugabe vakatungamira bato rairwa muhondo yeChimurenga, hazvingaite kuti vaonekwe sekunge ndivo mambo wemadzimambo, sezvo pamberi pavo paive nevanhu vakaita savachakabvu vanoti: VaNdabaningi Sithole, VaHerbert Chitepo naVaLeopold Takawira, avo vakaradzikwa mumarinda asingashamisire.
VaZhou, avo vanove nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vanoti mufi ndiye akatungamira hurumende yakaparadza hupfumi hwenyika, nekudaro haangafanirwe kuramba achiparadza hupfumi kusvika muguva.
Doctor Zhou vanoti chimwe chinovashamisa ndechekuti vanhu vakatandanisa VaMugabe kubva pachigaro ndivo vave pamberi kutungamira kuda kuti varadzikwe zvakanaka sezvavanoona zvinoitwa kune vamwe vaimbove vatungamiri vedzimwe nyika.
Mutumbi waVaMugabe unotarisirwa kuradzikwa chero nguva mumazuva anotevera panopera kuvakwa guva remhando yepamusorosoro rinonzi mausoleum, iro riri kunzi riri kuvakwa kumarinda emagamba enyika kuNational Heroes' Acre muHarare.
Facebook Forum