Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMugabe Wotarisirwa Munyika neChitatu Kubva kuSingapore


Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vakashaya neChishanu chapfuura kuSingapore.
Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vakashaya neChishanu chapfuura kuSingapore.

Hurumende inoti chikwata chemhuri yevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe chichitungamirwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi, chasimuka kubva munyika mangwanani eMuvhuro chakananga kuSingapore kunotora mutumbi waVaMugabe, avo vakashaya neChishanu chapfuura.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vanoti mutumbi waVaMugabe unotarisirwa kusvika munyika nemusi weChitatu, uchibva waendeswa kumusha kwavo kwaZvimba neChitatu chakare uko uchanorara uri.

Amai Mutsvangwa vanoti mutumbi uyu uchazoendeswa kunhandare yeRufaro muHarare nemusi weChina pamwe nemusi weChishanu, uko vana veZimbabwe vachawaniswa mukana wekuonekana navo.

Vanoti neMugovera mutumbi uyu uchazenge uri kunhandare yeNational Sports Stadium, uko vamiriri vemizinda yedzimwe nyika pamwe nevanyarikani vachabatana zvakare neruzhinji rweZimbabwe mukuonekana nemufi.

Panyaya yekuti VaMugabe vacharadzikwa kupi, Amai Mutsvangwa vanoti vachazenge vachitizivisa mukufamba kwenguva sezvo hurongwa ihwohwo huri mumaoko ekomiti yakaumbwa pakatio pehurumende nemhuri iyo iri kutungamira hurongwa hwekuradzikwa kwavo.

Vanorambawo mashoko ekuti vehukama havasi kuda kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vatungamire hurongwa uhwu, vachiti vanga vasati vanzwa nezvazvo.

"Handizivi kuti zviri kubva kupi izvozvo. Inini handina zvandati ndapihwa. Sekukuudzai kwandaita kuti pane komiti yakagara, yakagara izvozvi iri kutarisa basa iroro rese kuti richafamba sei. Kana vachinge vachindipa information ndinodzoka kwamuri," vanodaro Amai Mutsvangwa.

Vachipindura mubvunzo wekuti VaMugabe vanga vachiri nhengo yebato reZanu PF here kana kuti kwete, Amai Mutsvangwa Havana kuda kurova chipikiri panhongonya kunze kwekungoti VaMugabe munhu akapa hupenyu hwake hwose kurwira kusununguka kwevatema muZimbabwe.

"Mungataure zvamungataure, VaMugabe ndivo founding father venyika ino. Isu vamwe vakaenda kuhondo, ndivo vataitoti baba. Takaenda tiri vana vadiki zvikuru. hatigone kunyora history yenyika ino zvisina VaMugabe mukati. Hupenyu hwavo hwese vakashandira nyika ino kuti isununguke. Zvatinotarisa zvikuru ndezvavakatiira zvakanaka, zvidzidzo zvikuru, mhuri yeZimbabwe inoziva kwayakabva."

VaMugabe vakashayira muchitara cheGleneagles kuSingapore mushure mekupinda muchipatara ichi muna Kurume vachirwara nechirwere chisina kuziviswa.

Vakanga vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu ekuberekwa, uye vakasiya mudzimai Amai Grace Mugabe nevana vatatu vanoti Amai Bona Mugabe-Chikore, Robert Jr. pamwe naChatunga Bellarmine.

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG