Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Mukati meGuta rePretoria Yokanganisa Zvizvarwa zveKunze


South Africa Immigrant Attacks
South Africa Immigrant Attacks

Vanhu vanga vachiratidzira mukati meguta rePretoria muSouth Africa neChitatu, vapedzisira vorwisana nemapurisa mushure mekunge vanhu ava vatanga kupaza zvitoro vachitora zvinhu pamwe nekupisa zvimwe zvitoro.

Kurwisana uku kunotevera mhirizhonga inonzi yakatanga neChipiri pakati pevatyairi vemichovha nevamwe vanonzi vari kutengesa zvinodhaka munzvimbo dzinokwirirwa michovha iyi.

Vemichovha ava vanonzi vari kupomera vekune dzimwe nyika vari muguta rePretoria mhosva yekutengesa zvinodhaka, zvikuru rudzi rwunonzi nyaope.

Kurwisana neChipiri uku kunonzi kwakasiya mutyairi wemuchovha mumwe chete afa zvichifungidzirwa kuti angadai akapfurwa nevanoita zvekutengesa zvinodhaka ava.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum, Advocate Gabriel Shumba, avo vari muPretoria makare, vanoti izvi ndizvo zvaita kuti vemichovha vashandise mabhazi avo kuvhara migwagwa mukati meguta.

Advocate Shumba vanoti mapurisa azokwanisa kudzikamisa mhirizhonga iyi mushure mekushandisa hutsi hunokachidza pamwe chete nemabara erhabha ayo asingauraye, asi vachiti muguta manga muchakazara hutsi.

Vanoti mhirizhonga iyi yakanganisa zvikuru hupenyu hwezvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinoshandira mukati meguta, izvo zvatadza kuenda kumabasa, sezvo manga musisatsikiki.

Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG