Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanosvika kuMusangano weUNGA kuNew York


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakasvika muNew York, muAmerica neMugovera kumusangano wechimakumi manomwe neina weUnited Nations unopindwa nevatungamiri venyika pamwe nedzihurumende,kana kuti 74th United Nations General Assembly, UNGA, uyo wakatanga svondo rapera.

Musangano wegore rino wakanangana nekushanduka kwemamiriro ekunze. VaMnangagwa vanonzi vachatorawo mukana wemusangano uyu kukurudzira kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumawirira zvibviswe.

NeMugovera mutungamiri wenyika vakasangana nevatsigiri vebato ravo reZanu PF kwakare kuNew York.

Vatsigiri veZanu PF vakabatana nechikwata cheDecember 12 Movement vari kuratidzirawo kumusangano uyu vachikurudzirawo kuti zvirango izvi zvibviswe.

Nhengo dzebato rinopikisa reMDC pamwe nevamwe vemasangano akazvimirira vari kuratidzirawo vachida kuzivisa pasi rose nekwavanoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu nehurumende yaVaMnangagwa.

VaMnangagwa vari kuperekedzwa nechikwata chemakurukota anosanganisira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo, gurukota rezveupfumi Muzvinafundo Mthuli Ncube pamwe negurukota rezvehutano, Doctor Odadiah Moyo, uyewo gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kutaura pamusangano uyu nemusi weChitatu. Aka kava kechipiri VaMnangagwa vachipinda mumusangano uyu semutungamiri wenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG