Meya weChitungwiza, Va Phillip Mutoti, vanoti vari kutadza kuferefeta nyaya dzehuwori hune chekuita nemasitendi mudhorobha ravo nokuti vanotyira kuzoshungurudzwa negurukota rezvematunhu, Va Ignatius Chombo.
Mabhanga mazhinji munyika ava kutadza kupa veruzhinji mari yavanenge vachida kutora mumabhanga aya sezvo mamwe emabhanga aya ari kuiti haana mari inokwanira veruzhinji.
Mhuri dzemasoja anodarika makumi matatu hadzisisina pekugara zvichitevera kudzingwa kwadzakaitwa pamapurazi madiki adzakapihwa pasi pechirongwa chekugarisa vanhu patsva.
Mukuru we USAID muZimbabwe, Amai Mellissa Williams, vanoti hurumende yeAmerica yakazvipira kuramba ichibatsira zvizvarwa zve Zimbabwe zvinenge zvichishupika.
VaMwonzora vati vave nehumbowo hwemisangano yakaitwa ne Nikuv nevakuru vemasoja pamwe nevanhu veku China.
VaManyenyeni munhu ashanda kwemakore anodarika makumi maviri vari munyaya dzemari pamwe nekushanda zvine pundutso kwevanhu mumakambani akawanda munyika.
MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai iri kuita musangano neMugovera kwa Mutare wekupemberera kusvitsa makore gumi nemana bato iri ravambwa.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vagadza makurukota ehurumende nevatevedzeri vawo pachiitiko chaitirwa pa State House muHarare.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vadoma neChipiri dare remakurukota ehurumende nevatevedzeri vavo vachange vari muhurumende iri pasi peZanu PF yoga.
VaBernard Manyenyeni vashanda kwemakore anodarika makumi maviri vari munyaya dzemari pamwe nekushanda zvine pundutso kwevanhu mumakambani akawanda munyika.
MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti haisi kutambira gwaro rezvakaitika pasarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru rinonzi rakaburitswa nevaongorori vesarudzo vemuSADC.
Komisheni inorwisana nehuwori, yeZimbabwe Anti Corrruption Commission, inoti iri kuferefeta vaimbova gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, nyaya yekuita zvehuori mumakanzuru ari munyika yose.
Vachitaura pakuradzikwa kwaVa Enos Nkala pamarinda anovigwa magamba enyika paHeroes Acre, VaMugabe vati vari kushuvira kuti vararame nekusingaperi.
Dare repamusorosoro rinoti mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, vakasarudzwa zviri pachena musarudzo dzakaitwa musi wa 31 Chikunguru.
Asi munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mu Zanu PF, Va Didymus Mutasa, vanoti zviri kutaurwa neMDC-T izvi hazvina maturo.
Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti Zanu PF iri kuedza kuti itaurirane navo zvichitevera kubiridzira kwavanoti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nebato ravo vakaita musarudzo.
Midhuri mizhinji mumisha inogara veruzhinji yakaita se Budiriro, Glen View, Mbare pamwe nepakati peguta reHarare yamuka yakanyorwa nyorwa mashoko anga achikurudzira veruzhinji kusatambira kusarudzwa kwaVaMugabe semutungamiri wenyika.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vanhu vemuMDC vavakakunda musarudzo ngavaende kunozvisungirira kana vasingadi kutambira zvakabuda musarudzo.
Mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vasvitsa zviri pamutemo mapepa avo mudare repamusoro soro vachikumbira dare iri kuti tisatambira zvakabuda musarudzo dzakaitwa musi wa 31 Chikunguru.
Vatsigiri veMDC-T makumi matatu nevatanhatu vanogara kuMuzarabani vakatiza misha yavo vachinogara mumakomo zvichitevera mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika.
Rodhai zvimwe