Accessibility links

Breaking News

VaMugabe: Vasiri Kutambira Zvakabuda Musarudzo Zvisungirireyi


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vanhu vemuMDC vavakakunda musarudzo ngavaende kunozvisungirira kana vasingadi kutambira zvakabuda musarudzo.

Vachitaura zvine kutsvinya mukati pamarinda anovigwa magamba enyika pa Heroes Acre neMuvhuro, VaMugabe vatiwo vekunze havafaniri kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika nekushora kwavari kuita sarudzo dzakaitwa munyika.

VaMugabe vati vakahwinha zviri pachena uye vati mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kana vasingade kutambira zvakabuda musarudzo, havasi kuzofa vakashaya hope nazvo uye ngavaende vanozvisungirira.

VaTsvangirai vari kupikisa kukunda kwaVaMugabe nebato ravo mudare repamusoro soro, vachiti pane zvinhu zvakawanda zvinotyora mirawu yesarudzo zvakaitwa neZanu PF pamwe neZimbabwe Electoral Commission.

Mhemberero dzezuva remagamba dzaitwa mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara, vari voga vanga varipo kubva kumapato anopikisa uye vamiriri venyika dzekumavirira havanawo kuwuya pachiitiko ichi.

Mutauriri weMDC-T, Va Douglas Mwonzora, vanoti bato ravo harina kuenda kuhurongwa hunotungamirwa naVaMugabe semutungamiri wenyika, nokuti bato ravo harisi kucherechedza VaMugabe semutungamiri wenyika.

Asi VaMugabe, avo vave nemakore makumi masere nemapfumbamwe, vanoti zvichitevera kukunda kwavakaita, chasara chete kuwumba hurumende itsva pamwe nekuzadzisa hurongwa hwavanoti vanahwo hwekusimbaradza hupfumi hwenyika kuburikidza nechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG